Accessibility links

Breaking News

Magetsi Onetsa Nyika Yose


Joram Gumbo
Joram Gumbo

Svondo rapera, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabvisa pabasa rekuva gurukota rezvemhando dzemoto, VaJoram Gumbo, vachiisa VaFortune Chasi mushure mekunge zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyaya dzemagetsi nekumafuta ekufambisa dzimotokari.

Asi kuchinja makurukota uku kungabatsire here kugadzirisa zvinhu mubazi iri zvikuru panyaya yemagetsi?

Gurukota idzva rinoona nezvemhando moto, VaChasi vanoti hurumende iri mugwara rekuvandudza zvinhu kuti dambudziko remagetsi rigadziriswe.

Asi izvi hazvisi nyore nekuti muZimbabwe magara muine dambudziko rekuti vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu nemumwe kubva muzana vanoshandisa huni.

Magetsi achishandiswa nezvikamu gumi nenhatatu kubva muzana marasha achishandiswa nezvikamu zvisere kubva muzana zvevanhu.

Ongoro dzakaitwa nenyanzvi mumashandisirwo emhando dzemoto dzinoratidza kuti kunyangwe vanhu vakawanda vachigara kumaruwa, zvikamu makumi maviri chete ndizvo zvinoshandisa magetsi, zvikamu makumi masere kubva muzana zvichishandisawo magetsi mumadhorobha

Kwemakore makumi maviri apfuura, Zimbabwe yange ichikundikana kuwana magetsi anoikwanira zvichikonzerwa nekusagadzira magwenya matsva kana kutengerawo zvinhu zvitsva pane aripo.

Izvi zviri kupa kuti Zimbabwe itenge magetsi akawanda kubva kuSouth Africa, Mozambique, Democratic Republic of Congo, Namibia, neZambia.

Magetsi aya anobatsira kuwedzera pane anogayiwa munyika kunzvimbo dzakaita seKariba inoshandisa mvura, Hwange, Munyati, Harare neBulawayo Thermal Power Stations anoshandisa marasha uye Dema inoshandisa mafuta edhiziri.

Asi nyaya yekushomeka kwemari iri kupawo kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyika.

Nyika dzaimbotengesera Zimbabwe magetsi dzave kuramba kuita izvi nenyaya yezvikwereti uye dzave kuti dzinoda kutanga dzabhadharwa.

Mutauriri we ZESA, VaFullard Gwasira, vanoti kunyangwe hazvo nyika iine chikwereti ichi, handicho chikonzero chiri kuita kuti magetsi anetse munyika.

Ko dambudziko iri ringagadziriswei sei chaizvo?

Vanotungamira mabasa ehurumende mudare reparamende VaZiyambi Ziyambi vakaudza dare iri kuti Zimbabwe inoda kuvaka rimwe gwenya pedyo nedhamu reCahora Bassa kuMozambique.

Mamwe matunhu akaita seMasvingo ayo ane madhamu makuru akawanda anotiwo anokwanisa kubatsira mukuwedzera magetsi munyika.

Mudzviti mukuru muMasvingo, VaFungai Mbetsa, vanoti hurumende ine hurongwa hwekugadzira magwenya emagetsi.

VaMbetsa vanoti hurumende yakawana kambani yeku Germany inonzi Droege Energy inoda kugadzira rimwe gwenya remagetsi.

Nyanzvi mumhando dzemoto dzinotiwo Zimbabwe inokwanisa kushandisa siweji kugadzira magetsi anozivikanwa nekuti biogas.

Meya weHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yavo ine hurongwa hwebiomethane kuFirle Sewer Treatment.

Vamwe vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa magwenya emarasha kuHwange.

Asi Bhodhi reHwange rinoti mugodhi weJKL Pit wave nemarasha mashoma zvekuti vave kuda kupihwa dzimwe nzvimbo dzekuchera.

Izvi zvinoreva kuti kuda kusimbisa kugadzira magwenya emarasha kupedzera hoko padehwe retsindi kana marasha ave mashoma.

Hwange yagarawo yave kutatarika kugadzira magetsi akawanda nezvikonzero zvakawanda zvairi kupa

Zimbabwe inogaya magetsi anosvika mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemanomwe 960 megawatts pazuva asi ichida anosvika zviuru zviviri nezana rimwe chete kana kuti 2,100 megawatts.

Asi huwandu uhu hwadzikira zvakanyanya nemamiriro ekunze nekutadzawo kufambiswa kwemabasa zvakanaka.

Sangano reInternational Renewable Energy Agency rinoshandawo nedzihurumende nenyanzvi dzakazvimirira rinoti Zimbabwe, sedzimwe nyika dzemuAfrica inokwanisa kushandisa simba rezuva uye mhepo kana kuti wind energy mukugaya magetsi.

Panyaya yekushandisa zuva, VaGumbo vakati hurumende yainge yapa marezinesi kumakambani anodarika makumi matatu.

Asi pamakambani aya kusanganisa yaVaWicknel Chivhayo, akapihwa mamiriyoni mashanu emadhora kugadzira munda wemagetsi ezuva kuGwanda, asi hapana chabuda.

Mukuru mukambani ye yeZonful Energy inogadzira magetsi ezuva, VaWilliam Ponela, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe isimbaradze kushandiswa kwezuva.

Pane nyayawo dzakambobuda kuti vatungamiri vehurumende havabhadhare mari yemutero wemagetsi kudzimba nemapurazi avo kuZESA, izvi zvinonzi nenhengo yeMDC, VaJeffreson Chitando, zvinodawo kugadziriswa kuti kambani iyi ibhadharewo zvikwreti zvayo.

Kupedza dambudziko iri, vamwe vemakambani anochera Platinum vakaita seZimplats vanoti vave kutenga magetsi vega kubva kuMozambique.

Asi vamwe kunyanya vanochera goridhe vanoti havana mari yekutenga magetsi nekudaro vanongoshanda kana aripo. Izvi zviri kukanganisa zvakanyanya hupfumi hwenyika.

Zviri pachena kuti Zimbabwe ikasagadzirisa hurongwa hwekugadzira magwenya emagetsi matsva anoshandisa zuva kana mvura nesiweji, nyika inoguma yave gwenga vanhu vachitema miti.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG