Accessibility links

Breaking News

Vagari Vanotambira Danho reKanzuru yeBulawayo reKusavhara Mvura paZororo


tap water
tap water
Vagari vemuguta reBulawayo vanoti vari kufara zvikuru nedanho ratorwa nekanzuru yavo rekusatapudza mvura inoshandiswa nevagari kubva neMuvhuro kusvika musi wa 1 Ndira gore rinouya, kuitira kuti vagari vatambe zororo rekisimusi negoredzva vaine mvura.

Kanzuru yeBulawayo yanga ichidzima mvura kuvagari kwemaawa makumi mana nemasere pasvondo, chiitiko changa chichinetsa vagari zvikuru sezvo hupenyu hwavo hwaivaomera kupedza mazuva maviri vasina mvura.

Sachigaro weBulawayo Progressive Residents Association, VaEdias Shumba, vanoti vari kufara zvikuru nezvaitwa nekanzuru sezvo yaratidza kuti ine vagari vayo pamwoyo.

Asi vanotiwo panodiwa matanho anoita kuti dambudziko remvura rirege kuramba richiwanikwa muguta iri.

VaShumba vanoti hurumende inofanirwa kutarisisa zvakasimba chirongwa chisiri kupera cheMatabeleland-Zambezi Water Project kana ichida kuti dambudziko iri ripere zvachose.

Vanotiwo mari dzisiri kushandiswa zvakajeka dziri kubva kumangoda kwaChiadzwa dzinofanirwa kunge dzichiendeswa zvirongwa zvekuunza mvura yakachena munyika yose.

Vachiparura hurongwa hwemashandisirwo emari hwegore rinouya svondo rapera, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakazivisa kuti hurumende haisi kuwana mari ine musoro kubva kumangoda sezvaitarisirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG