WASHINGTON DC —
Mhuri dzenhengo dzeMDC Tdzinosvika shanu, kusanganisira yaVaShepherd Maisiri, dzinonzi dzakatiza misha yadzo kuHeadlands, kuManicaland neChipiri dzichityira hupenyu hwadzo.
Izvi zvinonzi zvakaitika mushure mekushanyirwa nevanhu vasingazivikanwi uye vanofungidzirwa kuti inhengo dzevasori.
Vanhu ava vanonziwo vanga vachityisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF kwemazuva akawanda.
Mwedzi wapera, VaMaisiri vakapisirwa imba yaive irere vana vavo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF, izvo zvakaita kuti mumwe mwanakomana wavo, Christpowers, ashaye nekutsva uku, muchiitiko chinonzi chine chekuita nezvematongerwo enyika.
Asi mapurisa akati moto uyu waive wakonzerwa nezvinoputika zvaive mumba umu.
Mushure mekupiswa kwemusha waVaMaisiri, imwe nhengo yeZanu PF, VaWilliam Chapepa, vanonzi vakatsvawo mushure mekunge bhambu repeturu rakandwa pamba pavo nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veMDC T.
Mapurisa akasunga nhengo yeMDC T mudunhu iri, VaSamson Magumura, avo vakamiswa pamberi pedare neChipiri kwaRusape vachipomerwa mhosva iyi.
VaMagumura vakanzi nemutongi vagare mutirongo kusvika musi wa 5 Kubvumbi apo vachadzokera zvakare kudare.
Mutauriri weMDC T mudunhu reManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoti vane ruzivo rwekuti zvose zviri kuitwa izvi zviri kukonzerwa nemumwe mukuru weZanu PF mudunhu mavo.