Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anombochengetedza Nhengo dzeBato reTransform Zimbabwe


Mapurisa anonzi ambopomera nhengo idzi mhosva yekushambadza zvematongerwo enyika vasina kukumbira mvumo
Mapurisa anonzi ambopomera nhengo idzi mhosva yekushambadza zvematongerwo enyika vasina kukumbira mvumo
Nhengo dzebato reTransform Zimbabwe gumi nenhanhatu dzambochengetedzwa nemapurisa kwemaawa mashanu kuTsholotsho mudunhu reMatabeleland North.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rezvematongerwo enyika idzva, reTransform Zimbabwe, VaJacob Satiya Ngarivhume, vanoti izvi zvaitika mushure mekunge nhengo dzavo dzapomerwa mhosva yekupa vanhu magwaro anoshambadza zvematongerwo enyika.

VaNgarivhume vanoti nhengo dzavo idzi dzazoregwa pasina mhosva yadzapomerwa mushure mekunge ivo vapindira vachitaudzana nemapurisa kwemaawa angada kusvika maviri vachitsanangura mamiriro ebato ravo, uye zvavari kuita munzvimbo dzavari kufamba.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Bato reTransform Zimbabwe rakaumbwa muna Zvita gore rapera kumusangano mukuru wemunamato wedzisvondo wePrayer Network Zimbabwe.

Muzinda waro uri muguta reHarare.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG