Accessibility links

Breaking News

VaTongogara Vorangarirwa neMhuri Yavo Yakabatana neHurumende


VaJosiah Magama Tongogara
VaJosiah Magama Tongogara
Mhuri yemushakabvu uye vari gamba guru rehondo yerusununguko, VaJosiah Magama Tongogara, yabatana nemauto enyika mukucherechedza makore makumi matatu nemana gamba iri ratisiya mutsaona yemotokari muna Zvita 1979 kuMozambique.

Mumashoko egurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, averengwa nevakafanobata chigaro chemukuru wemauto, Air Marshall Perence Shiri, vati hurumende ine hurongwa hwekutumidza zvakare KGVI nezita raVaTongogara senzira yekuvaremekedza pamwe nemabasa avakaita mukurwira rusununguko.

Mumakore apfuura hurongwa uhwu hwaimbokanganiswa nekusawirirana kukuru kwaive mumhuri yekwaTongogara.

Asi mumwe wevana waVaTongogara, Muzvare Sukai Tongogara, vanoti rwendo rwuno vakagara pasi semhuri vakawirirana kubata basa iri pamw chete, izvo zvazoita kuti hurongwa uhwu hubudirire.

Muzvare Tongogara vanotiwo homwe yekubatsira vanoshaya yeTongogara Foundation yatorawo mukana uyu kupa rubatsiro rwemari yechikoro kuvana vashoma vanoshaya mumatunhu ose gumi enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG