WASHINGTON DC —
Vamiriri vematare eparamende emusangano rekuchamhembe kweAfrica, reSADC Parliamentary Forum, vari kusangana muguta guru reNamibia, Windhoek, kumusangano wemazuva matatu wekuzeya zvakatarisana nematare eparamende mudunhu iri.
Musangano uyu wakatanga nemusi weChina uye uri kutairisirwa kupetwa nemusi weMugovera, uye uri kutarisa zvakakwaniswa nesangano iri pamwe nekurongwa hwaro hweramangwana.
Vari kumirira Zimbabwe kumusangano uyu mukokeri wenhengo dzeMDC-T muparamende, uye vari mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese.
VaGonese vati zvimwe zvakakosha zviri kukurukurwa kumusangano uyu inyaya dzesarudzo dzemuZimbabwe idzo dzingangoitwa gore rino, idzo SADC Parliamentary Forum ingangoongorora mushure mekubvumidzwa zvakare nehurumende kuongorora referendamu yebumbiro idzva remitemo ichangobva kuitwa munyika.
Sangano iri rakanga rambomiswa kuongorora sarudzo muZimbabwe zvichitevera gwaro rarakaburitsa raishoropodza mafambiro akanga aita sarudzo dzemuna 2002, iro rinonzi harina kufadza hurumende yeZimbabwe.