Accessibility links

Breaking News

Mafambiro neZvakabuda muReferendamu Zvoongororwa neNyanzvi


VaLovemore Madhuku
VaLovemore Madhuku
Sachigaro wesangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, NCA, Professor Lovemore Madhuku, vanoti zvakakosha kuti mapato ezvematongerwo enyika achapinda musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munyika, atore zvakadzama mavhoterwo akaitwa pareferendamu, sezvo izvi zvichigona kuve munongedzo kune zvinogona kubuda musarudzo dzenyika dzegore rino.

VaMadhuku vanga vachitsinhira mashoko avakataura neChipiri manheru pahurukuro yavakaita pamusangano wekuzeya pamwe nekuongorora mavhoterwo akaitwa pareferendamu. Musangano uyu wakarongwa neSapes Trust.

Vakapindawo mumusangano uyu vanosanganisira munyori mukuru weMDC-T, uye vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe nenhengo yeZanu PF, uyr vari sachigaro we Zimbabwe Mining Development Corporation, VaGodwills Masimirembwa.

VaMadhuku vanoti semaonero avo zvinoratidza kuti matunhu ane vanhu vakawanda vakatambira gwaro rebumbiro idzva remitemo iri ndiwo matunhu anosiita vatsigiri veZanu PF vakawanda pakatariswa zvakabuda musarudzo dza 2008, kuchitiwo mumatunhu ane rutsigiro rweMDC, vanhu vazhinji havana kunyoresa kuvhota.

VaMasimirembwa vakati sekuona kwavo Zanu PF ichakunda musarudzo dzichaitwa munyika, ukuwo VaBiti vachiti bato ravo ndiro richakunda.

VaMadhuku vanoti chinangwa chehurukuro idzi chaive chekupa chenjedzo kumapato achapinda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG