Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Voitwa Gavhuna weBhanga Guru reNyika Mutsva


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe
Nyanzvi mune zveupfumi dzakawanda dzinoti dziri kutambira nemufaro kudomwa kweimwe nyanzvi uye mukuru webhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, VaJohn Mangudya nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuve gavhuna mutsva webhanga guru renyika.

VaMangudya vari kutora basa ranga richiitwa naVaGideon Gono uye vanotarisirwa kutanga basa musi wa 1 Chivabvu gore rino, vachishanda kwetemu ine makore mashanu.

Vanoziva zviri kuitika munyaya dzemitemo yemari vanoti VaMangudya vakatarisana nemutoro mukuru kwazvo wekuvandudza nyaya dzeupfumi munyika uye kudzora chivimbo chaive nevekunze munyaya dzeupfumi.

Asi vamwe vanoti vanotyira kuti kudyidzana kwaVaMangudya nevamwe vakuru vakuru mune zvematongerwo enyika kunogona kuzovewo chipingidzo mukushanda kwavo vakasununguka.

Imwe kambani inoongorora nyaya dzeupfumi yeEconometer Global Capital yaburitsawo gwaro ichiti inotambira kudomwa kwaVaMangudya pachigaro ichi, sezvo vaine hunyanzvi hwakadzama munyaya dzeupfumi.

Kambani iyi inotiwo inotyirawo kuti kunyorova kwaVaMangudya kunogonawo zvakare kuvatadzisa kutora matanho akasimba anenge achitarisirwa kubva kwavari.

VaMangudya vanonzi vane hunyanzvi mubasa ravo iri hunodarika makore makumi maviri uye vakamboshandirawo bhanga guru renyika iri kare vasati vaenda kubhanga reAfrican Export-Import Bank.

Vakazoendawo kuCBZ uko vakashanda vakakwiridzirwa kusvika pachigaro cha Group Chief Executive Officer.

VaMangudya vakadzidza kuUniversity of Zimbabwe kwavakaita zvidzidzo zveBachelor of Science neMaster of Science in Economics kana kuti zvidzidzo zveupfumi pamwe neku Washington International University uko vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro zveDoctorate in Business Administration.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachiongorora nyaya dzeupfumi, VaLuxon Zembe, vanoti kana VaMangudya vakashanda pasina kupindira kwevezvematongerwo enyika, vanogona kushandura zvinhu mubhanga guru iri.

VaZembe vanoti hunyanzvi hwavo uye kudyidzana kwavagara vachiita nevemabhanga nemakambani emunyika nekunze kunokwanisa kudzora chivimbo mune vanenge vachida kudyara mari dzavo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG