Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMugabe naVaMutambara Vozeya Zviri Kunetsa Munyika


VaTsvangirai (L) VaMugabe (R)
VaTsvangirai (L) VaMugabe (R)
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanonzi vakurukura zvakadzama nyaya yekusungwa kwevashandi vekumahofisi aVaTsvangirai pamwe nekuita kwemapurisa izvo vatatu ava vawirirana kuti zviri kukanganisa pamwe nekusvibisa zita renyika.

Izvi zvinonzi zvabuda pamusangano wevatungamiri muhurumende waitwa neMuvhuro, apo VaTsvangirai vasvitsa kusafara kwavo nekusungwa kwevashandi vavo kuna VaMugabe.

Zvinonzi vakuru ava vazowirirana kuti VaMugabe vasangane nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, pamusoro penyaya yekuita kwemapurisa iyi.

Vashandi vatatu vemuhofisi yemutungamiri wehurumende, kanzura webato reMDC T, pamwe negweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, vakasungwa svondo rapera. Vamwe vevasungwa ava vachiri muhusungwa, kunyange hazvo Amai Mtetwa vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vatsinhira musangano uyu, vakati VaTsvangirai vanyunyutawo zvakare nekwavati kushungurudzwa kwevanhu nevezvemutemo.

Izvi zvinotevera kusungwa sungwa kwevashandi vemasangano akazvimirira pamwe nemhirizhonga inonzi iri kuitika mune mamwe matunhu, zvikuru kuvatsigiri vebato raVaTsvangirai.

Svondo rapera VaTsvangirai vakambosanganawo zvakare nevaive vakabata chigaro chemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vakataura pamusoro penyaya iyi.

VaTamborinyoka vanotiwo dzimwe nyaya dzakurukurwa nevatungamiri ava dzinosanganisira yesarudzo, idzo vati vakuru ava vawirirana kuti hapana nguva yesarudzo yati yatarwa, uye vatuma gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, kuti vashande pamwe vachigadzira hwaro hwenguva yekuita sarudzo.

Vatiwo vatungamiri ava vawiriranawo kuti boka rinorwisana nehuwori, reZimbabwe Anti-Corruption Commission, rishande rakasununguka sezvinodiwa nemutemo wenyika.

Boka reJOMIC ranziwo renderere mberi richiita basa raro richishanda neboka reSADC mukuona kuti zvose zvakawiriranwa nemapato zvateverwa. JOMIC iri kutarisirwa kusuma mamiriro akaita zvinhu kudare remakurukota nemusi weChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG