Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC T Vanoratidzira kwaMutare Vachinyunyuta neKusharwa kweVanhu


Vatsigiri veMDC T ava vanonzi vanga vaine zvinyorwa zvinoramba kuti bato ravo rivasharire vamiriri vavasingadi
Nhengo dzebato reMDC T dzinodarika chiuru dzinonzi dzakaratidzira muguta reMutare mukupera kwesvondo dzichinyunyuta nekuramba kutambirwa kwemagwaro aVaRegai Tsunga kuti vakwanise kukwikwidza musarudzo dzema primary ebato iri.

Nhengo idzi, idzo dzinonzi dzakafora dzichienda kumahofisi ebato iri, dzinonzi dzakange dziine zvinyorwa zvinoramba kuti bato iri riise vanhu vadzisingade. Zvimwe zvinyorwa zvinonzi zvaiti nhengo idzi hadzidi rimwe bato reZanu PF mukati meMDC T, dzichiti dzinoda jekerere.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora vatsinhira kuti kune vanhu vakaratidzira neMugovera, asi vati bato ravo haritambire kuita uku, sezvo zviri kunze kwemitemo yebato.

Vatiwo pane zvikonzero zvakasimba zvakaita kuti magwaro aVaTsunga araswe.

VaMwonzora vati VaTsunga, avo vaida kukwikwidza kuMutasa South, vari kupomerwa mhosva yekubvumidza mutambo weBob 89 Golf Tournament kuitwa paHillside Golf Course pavanove sachigaro, vakati National Council yebato ravo yakaona paine humbowo hwakakura kwazvo hwekuti VaTsunga vaidyidza nebato reZanu PF.

Asi VaTsunga vati havana ruzivo nezvekuratidzira kwakaitika neMugovera sezvo vari kungoitawo zvekunzwa kuti ndizvo zvakaitika, vakati havasati vaziviswa nebato ravo kana magwaro avo akarambwa.

Vatiwo Hillside Golf Course inzvimbo inoshandiswa nevanhu vakasiyanasiyana, zvisineyi nekuti ndevebato ripi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hadzisi nhengo dzekwaMutare chete dziri kunyunyuta nemasarudzirwo akaitwa vachakwikwidza mumaprimary ebato iri.

KuMarondera kunonzi kune kunyunyutawo kukuru kubva munhengo dzeMDC T idzi zvichitevera kubvumidzwa kwaMai Tracy Mutinhiri kukwikwidza mumaprimary aya.

Vari kunyunyuta ava vanoti Amai Mutinhiri vaipomerwa mhosva yekuve nechekuita mumhirizhonga inonzi yakaitika muna 2008 mudunhu ravaimirira reMarondera East ichikonzerwa nenhengo dzeZanu PF.

Asi VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti bato ravo rakaona zvakakodzera kuti Mai Mutinhiri vangoremekedzwawo senhengo yese yebato iri kuda kukwikwidza mumaprimary, vachiti zviri kuvanhu kuvasarudza kana kuvaramba.

VaMwonzora varambawo mashoko ekuti VaGorden Moyo naVaSolomon Madzore vakarambidzwawo kukwikwidza mumaprimary sezvo matunhu avari kuda akachengeterwa madzimai.

Vati VaMoyo, avo vanowe sachigaro webato iri mudunhu reBulawayo, vachakwikwidza kuMakokoba kwaive naMuzvare Thokozani Khupe, kwotiwo VaMadzore, avo vanowe sachigaro wevechidiki, vachikwikwidza kuDzivaresekwa uko kuna Mai Evelyn Masaiti, avo vavati havasi kukwikwidza.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG