Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veParamende Vosangana Kuzeya Basa Ravo


Vadare veparamende vari kusangana kuti vazeye nekutarisa basa ravakaita kubva pakatanga hupenyu hweparamende yechinomwe iyi muna 2008
Vadare veparamende vari kusangana kuti vazeye nekutarisa basa ravakaita kubva pakatanga hupenyu hweparamende yechinomwe iyi muna 2008
Komiti inotungamira pamwe nekukokera vadare veparamende neseneti yeParliamentary Liaison and Coordination Committee, iri kusangana muBulawayo kwemazuva matatu kumusangano wekuongorora nekuzeya hurongwa hwedare reparamende.

Musangano uyu unonzi uri kutarisawo zvakabuda nevadare ava pamwe nezvavakakundikana mukuita basa ravo, uye kuzeya mashandiro avakaita kubva pakatanga paramende yechinomwe muna 2008, kusvika pairi kutarisirwa kuguma musi wa 29 Chikumi gore rino.

Mukokeri wenhengo dzeMDC T muparamende, VaInnocent Gonese vaudza Studio 7 vadare ava vakakokawo nyanzvi inobva kunyika yeKenya pamwe nevamiriri vesangano reUNDP.

VaGonese vati vamwe vari kupinda musangano uyu vanosanganisira mutauriri wedare reparamende VaLovemore Moyo, mukuru wedare reseneti Amai Edna Madzongwe, nemasachigaro emakomiti eparamende neseneti.

Vakokeri venhengo dzeparamende vemapato ose ari muhurumende, mapurisa, vashandi veparamende nevamwe vabva kune mamwe masangano anodyidzana neparamende vari kupindawo mumusanga uyu, uyo unotarisirwa kupera nemusi weChina.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG