WASHINGTON DC —
Sangano reMISA -Zimbabwe rinoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa mumakambani anoita zvenhau kuitira kuti Zimbabwe ienzane nedzimwe nyika pamabatirwo pamwe nemihoro yevatori venhau.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, VaTabani Moyo, vanoti zvikuru zvichakasarira mumakambani akawanda anoita zvenhau inyaya dzekubhadharwa kwevatori venhau, idzo vanoti dzichiri pasi zvikuru kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika.
Vanoti mumakambani ari munyika, Zimpapers ndiyo chete inenge iri kubata vashandi vayo zvine mwero panyaya dzemihoro.
Chimwe chavanochemawo nacho inyaya yekushungurudzwa kwevanhukadzi mumakambani enhau, uko vanoti kuchiri kuenderera mberi.
VaMoyo vanoti kunyange hazvo paine zvakati kuti zvashanduka zvichibatsira vatori venhau, hurumendewo inosungirwawo kuti ikasike kugadzirisa pamwe nekutevera mitemo yezvenhau sezviri mubumbiro remitemo.
Mashoko avo anotevera kurambidzwa nemapurisa kwemamwe masangano kufora achicherecherechedza ruva rePress Freedom Day neMugovera, kunyange hazvo gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vakashoropodza danho remapurisa iri.
Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vanotiwo hurumende iri kuedza kugadzirisa zvose kuburikidza nekomiti yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, iyo iri kutenderera nyika ichinzwa pfungwa dzevanhu pamafambisirwo enhau nemashoko.