Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Yokurudzira Nhaurirano Pakati peHurumende neNhepfenyuro dzeStar FM neZiFM

BAZ inoti nhepfenyuro yeZiFM haisati yagutsa zviga zvechibvumirano chayo chebasa
BAZ inoti nhepfenyuro yeZiFM haisati yagutsa zviga zvechibvumirano chayo chebasa
Sangano reMISA-Zimbabwe rinoti rinokurudzira kuti hurumende igare pasi nenhepfenyuro itsva dzinoti Star FM neZiFM, kuti vatsvage nzira dzekugadzirisana hurumende isati yatorera nhepfenyuro mbiri idzi matanho ekukanzura marezinesi adzo kana dzikatadza kuzadzisa zviga zvekuita basa.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa neboka reBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, ekuti rakapa nhepfenyuro mbiri idzi kusvika musi wa 22 Mbudzi gore rino kuti dzinge dzave nemichina inoita kuti dzikwanise kutepfenyura munyika yose, kukundikana kwadzo dzokanzurirwa marezinesi ekutepfenyura.

BAZ inonzi yakazivisa kuti nhepfenyuro dze Star FM ne ZiFM padzakapiwa marezinesi muna 2011, pasi pemutemo we Broadcasting Services Act, dzakavimbisa kuti dzaizoisa michina yemasaisai inoita kuti dzikwanise kunzwikwa nenyika yose mukati memakore matatu dzave kushanda.

Asi kusvika pari nhasi Star FM inonzi yaisa michina mipfumbamwe chete pamakumi maviri nemina inodiwa, iyiwo ZiFM ichiisawo michina gumi chete pamichina makumi maviri nemina.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti hurumende inofanirwa kutarisawo mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi, yopawo makambani aya mukana wekuti vagadzirise zvinhu zvavo.

VaMoyo vanoti chimwe chinofanirwa kudzumburudzwa mutemo weBroadcasting Services Act sezvo uri mutemo unodzvinyirira.

ZiFM ndeye kambani yemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko yeAB Communications, VaSupa Mandiwanzira, kwotiwo Star FM iri yekambani yehurumende ye Zimpapers inodhinda mapepanhau anosanganisira Herald, Chronicle neSunday Mail.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuBAZ pamusoro pemashoko avo aya, kanawo kunzwa pamire ZiFM ne Star FM.

Mukuru we ZiFM, Amai Susan Makore, vanoti havakwanise kutaura sezvo vanga vari mumusangano.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG