WASHINGTON DC —
Makakatanwa ari kuramba achiwedzera mubato reMDC T zvichitevera gwaro ranyorwa nemunyori mukuru muboka revechidiki, VaPromise Mkwananzi, vachidonongodza zvavanoti zviri kukanganiswa nevamwe vakuru-vakuru vebato iri.
VaMkwananzi vapawo zvavanofunga kuti zvinofanirwa kuitwa mukugadzirisa dambudziko roda kutsemura bato iri nepakati.
Mugwaro ravo, VaMkwananzi vanoti bato ravo reMDC T rasiya zvinangwa zvaro zvarakaumbirwa zvekutungamidza hutongo hwejechetere, vachishorawo nzira dzakashandiswa mukumbomiswa basa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma.
VaMkwananzi vanotiwo mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vari kuramba vachityora bumbiro remitemo yebato, ukuwo vachiti munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaNelson Chamisa, ndivo vakadyisa bato pasarudzo zvichitevera kukundikana kwavo kuronga misangano pasarudzo dzekutsvaga vaizomirira bato musarudzo.
Gwaro raVaMkwananzi rinouya panguva iyo bato iri risina kuwirirana zvichitevera kumbomiswa basa kwaVaMangoma.
Mukupera kwesvondo VaTsvangirai vakaitawo misangano miviri kuChitungwiza nekuMabvuku vakaudza vatsigiri vavo kuti ivo ndivo vari panyanga, anenge asingade kushanda navo ane kodzero yekubuda mubato iri.
Munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, VaMkwananzi, VaMangoma, VaElias Mudzuri pamwe nevamwe vakuru mubato iri vanonzi nemapepanhau havana kupinda misangano iyi.
VaMkwananzi vanoti vanyora gwaro iri kuitira kuti zviri kuitika mubato iri zvizivikanwe nemunhu wese, sezvo bato ravo riri revanhu.
Studio 7 yaedza kubata VaBiti asi vati havana chekutaura pamusoro penyaya iyi.
Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vanoti gwaro raVaMkwananzi iri harina zvariri kutauri zvine musoro.
VaMwonzora vanoti gwaro iri harina nemusoro wese sezvo riri rimwe remagwaro akawanda ari kunyorwa ekushoropodza mutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai.
Varambawo mashoko aVaMkwananzi ekuti VaTsvangirai vari kutyora mitemo yebato pamadiro.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo zviri kuitika muMDC T izvi zviri kunongedza kune kumwe kupatsanuka kwebato iri sezvakaitika mugore ra2005.