Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoti Haishaiswe Hope neMusangano weVari Kuda Kupatsanura Bato


Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti harisi kuzoshaiwa hope nemusangano wakaitwa neMugovera nedzimwe nhengo dzebato iri dzichizivisa kuti dziri kuenderera mberi nehurongwa hwekuti hutungamiri hwebato iri hushandurwe, uye kuti zvinhu hazvisati zvagadzikana mubato iri, izvo zvinopikisana nemashoko emutungamiri webato iri.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo richatorera matanho nhengo dzavo dzakaita musangano nevatori venhau idzi, idzo vanoti inhengo dzepasi zvekuti hadzina zvikuru zvadzinokwanisa kuita mukutsemura bato iri.

Nhengo idzi dzinoti munyori mukuru muboka revechidiki uye vari nhengo yenational executive, VaPromise Mkhwananzi, nhengo yenational executive VaLast Maengahama, director general Tondepi Shonhe pamwe naVaJacob Mafume.

VaMafume vakaziviswawo pamusangano uyu kuti ndivo vachambove mutauriri wechikwata chiri kuda kuti hutungamiri hushandurwe ichi.
VaMwonzora vanoti national council yebato ichasangana svondo rino kuti izeye nezvenyaya iyi.

Chikwata chakasangana neMugovera ichi chiri kutsigira kurudziro yakaitwa nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, yekuti VaTsvangirai vasiye chigaro chavo sezvo vatadza kubvisa VaMugabe pachigaro.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Asi VaMkhwananzi vanoti kuti mubato ravo muve nekubatana musangano unofanirwa kudzokera kuzviga zvecongress ya 2011, kwete kuti vatungamiri varambe vachinyomba pamwe nekumisa vamwe mabasa zviri kunze kwebumbiro rebato.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo kana bato reMDC T richida kupinda musarudzo dza 2018 rakabatana rinofanirwa kukasika kugadzirisa zvinetswa zviri mubato iri nguva isati yapera.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Vanotiwo avo vari kuramba vachipkisa hutungamiri hwebato vane zvavari kuda kuti zvigadziriswe zvinove zvinyunyuto zvine musoro, sezvo zviri kutadzisa kubatana kwebato.

Zvichakadaro, mutungamiri weMDC T, VaTsvangirai, vakakurudzira nhengo dzavo kuti dzibatane kuitira kuti vazadzise basa ravakatarisana naro rinove rekubvisa Zanu PF pachigaro.

Vachitaura kuvatsigiri vavo neSvondo kunhandare yeMkoba kuGweru, VaTsvangirai vakati Zanu PF yakundikana kushandura hupenyu hwevana veZimbabwe, vakati yave nguva zvino yekuti vana veZimbabwe vatore masimba avo kubva kune vashoma vezvematongerwo enyika vari kutadza kufambisa nyika.
XS
SM
MD
LG