Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inosvitsa Zvinyunyuto kusangano reILO


PTUZ inoti inotarisira kuti zviri mutsamba yayo zvichakurukurwa kumusangano mukuru weILO uchaitwa kuGeneva kuSwitzerland muna Chikumi
PTUZ inoti inotarisira kuti zviri mutsamba yayo zvichakurukurwa kumusangano mukuru weILO uchaitwa kuGeneva kuSwitzerland muna Chikumi
Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rati rakasvitsa kusangano reInternational Labour Organisation richinyunyuta nekwarinoti kutyorwa kwekodzero dzevashandi, zvikuru varairidzi nehurumende yeZimbabwe.

Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe vati sangano ravo rakanyorera tsamba kuILO neMuvhuro vachisvitsa zvichemo zvavo, zvinosanganisira bumbiro remitemo idzva iro vati harina kukoshesa kodzero dzenhengo dzaro.

Zvimwe zvezvinhu zvavari kunyunyuta nazvo kusatewedzerwa kwemitemo yevashandi sezvinodiwa pasi rose pamwe nekushungurudzwa kwevarairidzi, uye kuitwa kwemisangano yezvematongerwo enyika muzvikoro nemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Sangano iri rati izvi zvose zvinoita kuti dzidzo munyika idzikire kana zvakaregwa zvisina kugadziriswa.

PTUZ haisi kufarawo nekusacherechedzwa kwehutungamiri hweApex Council nehurumende, izvo zvaita kuti nhaurirano dzemihoro dzitadze kuenderera mberi zvakonzerawo kuti mari dzemihoro yevashandi vehurumende dzisasimuke.

Zviri mutsamba yakaenda ku ILO izvi zvinotarisirwa kuzeyiwa muna Chikumi pachaitwa musangano mukuru weILO KuGeneva kuSwitzerland.

Aka hakasi kekutanga kuti sangano revashandi muZimbabwe risvitse zvinyunyuto zvaro ku ILO.

Makore mashoma apfuura sangano reZCTU yakambonyorerawo kusangano iri izvo zvakazoita kuti paumbwe komisheni yakaongorora zvichemo izvi, kunyange hazvo hurumende isati yazadzisa zvimwe zvekakomekedzwa nesangano iri kuti iite.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG