Accessibility links

Breaking News

JOMIC Yofadzwa neKudzikira kweMhirizhonga kuMasvingo


Nhengo dzeMDC
Nhengo dzeMDC
Boka rinoona nezvekugarisana munyaya dzezvematongerwo enyika, reJoint Monitoring and Implementation Committee, JOMIC, mudunhu reMasvingo, rinoti riri kufadzwa zvikuru nekudzikira kwenyaya dzemhirizhonga mudunhu iri.

Sachigaro weJOMIC mudunhu reMasvingo mumwedzi uno waGunyana, VaWilstaff Sitemere veMDC-T, vanoti dzidziso yekugarisana kwevanhu vemapato akasiyana yavari kupa vanhu ndicho chombo chikuru chabatsira mukuderedza nyaya dzemhirizhonga.

VaSitemere vanoti vanotendawo hutungamiri hwemapato ari muhurumende hwemudunhu mavo nekubvuma kushanda neboka ravo munyaya dzekurwisana nemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vanoti matunhu aratidza kuderera kwemhirizhonga anosanganisira Bikita East, Gutu West neZaka East.

Mhirizhonga yekupisirwa misha munyaya dzezvematongerwo enyika mudunhu iri yaimbonzi yakange yakakwira zvikuru mugore rapera zvichitevera kupinda mudunhu iri kwemutungamiri wechimwe chikwata chevakarwa hondo, VaJabulani Sibanda, avo vaipomerwa mhosva yekutyisidzira pamwe nekukurudzira kushungurudzwa kwevanhu vanopikisa bato reZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG