Accessibility links

Breaking News

Mutemo weKuendesa Hupfumi kuVatema Wounza Mutauro


Mutemo wekuendeswa kweupfumi kuvatema mumabhizimusi madiki akaita seekugera, kubika zvekudya, kugaisa nemamwe ayo anonzi azara nevanobva kunze kwenyika, uri kutemesa vanhu misoro zvichitevera kurudziro yehurumende yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitore zvikamu zvizhinji mumabhizimusi aya kubva kutanga kwegore rino.

Asi vamwe vanoti danho rehurumende iri kutyora kodzero dzevanhu sezvo vekunze ava vakatopiwa mvumo nehurumende yekuti vatange mabhizimusi aya.

Vamwevo ndivo vari kuti kutadza kufambiswa zvakanaka kwakaitwa chirongwa chekuendeswa kwevhu kuvatema ndiko kuchangoitika zvakare muchirongwa ichi, sezvo kune vamwe vanozivikanwa nekuda kukohwa pavasina kurima.

Vekunze vakawanda vanonzi vari kuita mabasa aya vanosanganisira vanobva kunyika dzakaita seNigeria, Ghana neChina, uye vazhinji vavo vanonzi havasi kubhadhara mitero, izvo zvinonzi zviri kuita kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Nhengo yeZanuPF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti mutemo uyu wakanaka zvikuru sezvo hurumende iri kutonga yeZanu PF yakagara pasi yakaona kuti hapana mutema angatadza kuita bhizimusi rekugera misoro kana kubika sadza asi vekunze vachizvigona.

VaGadzira vanoti chinodiwa pari zvino kusimudzirwa kwevatema vanenge vapinda mumabhizimusi aya kuburikidza nekuwaniswa mikana yekukwereteswa mari kumabhanga, sezvaiitwa kuvachena.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neHuman Rights Watch, VaDhewa Mavhinga, vanotiwo zvirongwa zvese zviri kuitwa zvekusimudzira vatema zvakanaka chose, asi kuti vari kuzoguma vodya ndevanhu vaya vane hukama nevari kumusoro muhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG