WASHINGTON DC —
Apo nyika yasvitsa makore makumi matatu nematatu yawana kuzvitonga, zvizvarwa zveZimbawe zviri munyika nekunze kwenyika zvine maonero nemafungiro akasiyanasiyana pamusoro pezvinoreva kuzvitonga kuzere.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvati vatema vemunyika vawana zvakawanda kwazvo zvinosanganisira minda, neupfumi kuvatema, paine tarisiro yezvimwe zvakawanda zvichabva muzviwanikwa zvakaita semangoda izvo zviri kutarisirwa kumutsiridza upfumi hwenyika.
Mutewedzeri wekumuru anoona nezvemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa vati vana veZimbabwe vave kukwnisa kudya huchi hwenyika uye kurara vakaisa misoro kwavanoda, vasingatyi kupondwa nevapambepfumi sezvaiitika munguva yehutongi hwevachena.
Vatiwo kuti zvinhu zvinyatsogadzikana munyika zvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzekumawirira zvinofanirwa kubviswa zvose.
Asi mukuru mubazi rinoona nezvegwara remusangano muMDC T, VaCharles
Mangongera vati zvose zviri kunzi zvakaunzwa nekusununguka kwenyika izvi zviri kungoenda mugapu revashoma, zvikuru veZanu PF, ruzhinji rwuchipona nezvekupara.
VaMangongera vati mitemo yekudzvanyirira vanhu yaishandiswa nevachena yakaita seLaw and Order Maintenance Act (LOMA) ndiyo mimwechete ichiri kungoshandiswa nehurumende yevatema yavepo, mushure mekungochinja zita chete kuti Public Order and Securty Act (POSA).