WASHINGTON DC —
Nyanzvi mune zvehutano dzinoti kukasika kubatwa kwechirwere cheshuga kana kuti diabetes kunobatsira mukudzivirira njodzi, kunyange hazvo vamwe vanhu vanenge vaine rumwe rudzi rwechirwere ichi vachinonoka kuonekwa kuti vanacho.
Zvinonzi kune ndudzi mbiri dzezvirwere zveshuga dzinoti Type 1 Diabetes, rwunove rudzi rwunonzi rwuno wanzowanikwa muvana vadiki nevachangoyaruka, kwotiwo Type 2 Diabetes, inove inonyanyozivikanwa uye ichikonzera kuti shuga iri mumuviri ikwire kudarika mwero.
Nyanzvi idzi dzinoti vanhu vane chirwere cheshuga vakadya chikafu chakakodzera vanokwanisa kurarama zvakanaka vasina dambudziko.
Chirwere cheshuga chimwe chezvirwere zvisinga tapuriranwe uye zviri kuuraya vanhu vakawanda munyika nepasi rose.
Ongororo yakaitwa mugore ra2005 yakaratidza kuti zvikamu gumi kubva muzana zvevanhu muZimbabwe zvakabatwa nechirwere ichi. Huwandu uhu hunogona kuva hwadarika pahwaiva muna 2005.
Mukuru wezvekudzivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti bazi ravo riri kuita zvose zvarinogona mukubatsira vane chirwere cheshuga.
Sachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Rutendo Bonde, vanotiwo vane hama dzinorwara nechirwere ichi havafaniri kudzisema sezvo chirwere ichi chisingatapuriranwe.