Accessibility links

Breaking News

Vagari muHarare Votsamwiswa neKudzoswa paBasa kweVamwe Vakuru muKanzuru


Kanzuru yeguta reHarare yakamisa vamwe vashandi mabasa vachinzi vakwegura
Kanzuru yeguta reHarare yakamisa vamwe vashandi mabasa vachinzi vakwegura
Vagari veguta reHarare vanoti vari kunyunyuta nedanho rinonzi rakatorwa nemunyori mukuru wekanzuru yeHarare, VaTendai Mahachi, rekudzosa pabasa vashandi vepamusoro vaviri vakanga vambomiswa basa.

Vashandi ava vakanga vamiswa basa vachinzi vasvitsa makore ekuenda pamudyandigere.

Mukuru werimwe sangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagari vakakatyamadzwa nekunzwa kuti VaMahachi vakanga vadzosa pamabasa vaive mukuru wezve divi remvura, VaChristopher Zvobgo, pamwe nemukuru wedivi rezvehutano, VaStanley Mungofa, vachinzi vashande kwegore.

Vaviri ava vaive pakati pevamwe vakuru vekanzuru vasere vakanga vanzi vamiswe mabasa mwedzi wapera mushure mekusvitsa kana kupfuura makore makumi matanhatu ekuberekwa.

Vanhu ava vanosanganisira mubati wehomwe, VaMisheck Mubvumbi, pamwe nevamwe vashandi vanodarika chiuru.

Vashandi vepamusoro ava vanonziwo vaitambira mari dzakawandisa dzisingafambidzane nekuwana mari kunoitwa nekanzuru.

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi, vachiti vachazotaura nezvazvo kana nguva yacho yasvika.

Asi VaManyenyeni vati pane musiyano pakati pekanzuru yeHarare nedivi remvura, izvo zvinoita kuti mashandiro azvo asiyanewo.

Hatina kukwanisawo kubata VaMahachi kanawo vakuru vakadzoswa pamabasa kuti tinzwe mativi avo.

Asi VaShumba vanoti sevagari vachabuda negwaro richaisa zvinyunyuto zvavo mukati ravachasvitsa kumakomiti eparamende anoona nezvematunhu pamwe nehutanho.

Vanotiwo vachaita kuti vasangane negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, kuti vatsanangurirwe zviri kutora nzvimbo mukanzuru yeguta ravo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG