Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveVashandi VaGoche Vasangana neRimwe Sangano reVashandi


VaNicholas Goche
Rimwe sangano remubatanidzwa wemasangano evashandi ari kunyunyuta nehutungamiri hweZCTU , reConcerned Affiliates of the Zimbabwe Congress of Trade Union, rakasangana negurukota rezvevashandi nemabasa, VaNicholas Goche neChipiri vakazeya nyaya dzakawanda dzinobata vashandi.

Mutungamiri wesangano iri, VaLovemore Matombo, avo vaimbova mutungamiri weZCTU vanoti nyaya dzakurukurwa dzinosanganisira dzekuvandudzwa kwemitemo yemabasa, nyaya iri kuda kuitwa nevashandirwi yekubhadhara vashandi zvichi fambirana nekuti vaburitseyi pamwe neyekuti hurumende yeZimbabwe itevere kurudziro yakaitwa nesangano revashandi repasi rose reInternational Labour Organisation kana ILO yekuti mitemo inobata kodzero dzevashandi ifambidzane nemitemo yepasi rose.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaGoche kuti inzwe divi ravo nezvemusangano uyu sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Asi VaMatombo vanoti vafadzwa zvikuru nekuzvipira kwaratidzwa naVaGoche pamusoro pezvichemo zvavo, izvo vanonzi vavimbisa kugadzirisa nechimbi chimbi.

Sangano reConcerned Affiliates of the ZCTU rinoti rine masangano gumi nemaviri ari pasi paro nekowo sangano reZCTU rinotungamirwa naVaGeorge Nkiwane rine masangano makumi maviri nemaviri ari pasi paro.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG