Accessibility links

Breaking News

MDC T Youmba Komiti Ichashanda neVakavhiringwa neMafashamu


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa
Dare remakurukota ebato reMDC T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kana kuti shadow cabinet, rasangana muHarare, rikaumba komiti ine vanhu vashanu.

Komiti iyi ichashanda nemasangano ari kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu kuTokwe-Mukorsi nemamwe matunhu emunyika.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko mudare iri, uye vari mumiriri weKuwadzana East, VaNelson Chamisa, vanoti sebato vaona zvakakosha kuti vasatarise nyaya yemafashamu iyi neziso rezvematongerwo enyika, sezvo iri kukanganisa upenyu hwevana veZimbabwe, zvisineyi nekuti ndeve bato ripi.

Dare iri ratarisawo zvinetswa zviri kubata nyika pari zvino, kusanganisira nyaya dzehuwori, kufambiswa kwemakambani ari pasi pehurumende, zviri kuitika muparamende kuburikidza nematanho akaedza kutorwa nemutauriri wedare iri ekurambidza vadare kutaura zvimwe zvinhu, nezvimwe zvinosanganisira kusaenda kwemakurukota eZanu PF kumisangano ine chekuita neparamende.

VaChamisa vanoti nekuona kutambudzika kuri kuita mhuri yeZimbabwe pasi pehurumende yeZanu PF, bato ravo raona zvakakodzera kuti ribude nemazano anokwanisa kushandiswa mukuburitsa nyika mumatope mairi.

Vanoti zvave kubato riri kutonga kutambira kana kuramba pfungwa dzavo idzi, kunyange hazvo vachiziva kuti Zanu PF indambakuudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG