Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voda Kuve Nechekuita Panyaya yeSarudzo iri kuMatare


VaTsvangirai vanoti VaMugabe vari kutyora chibvumirano cheGPA nekuita humbimbindoga panyaya yesarudzo
VaTsvangirai vanoti VaMugabe vari kutyora chibvumirano cheGPA nekuita humbimbindoga panyaya yesarudzo
Nyaya yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munyika gore rino inenge yave kuburitsa kusawirirana nekusashanda pamwe kuri muhurumende yemubatanidzwa, zvichitevera danho ratorwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rekuti vange vaine chekuita nenyaya yesarudzo iri mudare repamusoro yakakwidzwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaTsvangirai vanonzi vari kudawo zvakare kuti vajekesere dare chokwadi chemuhurumende yemubatanidzwa panyaya yezuva richaitwa sarudzo.

VaMugabe vakakwira kudare repamusoro vachida kukumbira kuwedzerwa nguva yekuita sarudzo dze by-election mumatunhu eMatabeleland matatu asisina vamiriri, sezvo dare reSupreme Court rakanga ravapa kusvika musi wa 31 Kurume kuti sarudzo idzi dzinge dzaitwa.

VaMugabe vakazvisawo chido chavo chekuti sarudzo dzinge dzaitwa munyika panosvika musi wa 29 Chikumi, sezvo temu yedare reparamende iri kupera musi uyu.

Asi VaTsvangirai vari kuti havana kugarwa navo pasi naVaMugabe kuti vazeye nezvenyaya iyi, sezvinodiwa nemutemo, kuburikidza nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

VaTsvangirai vanonzi vari kukurudzirawo vamwe vevatungamiri muhurumende yemubatanidzwa, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vapindirewo mukuramba mazuva ari kutaurwa naVaMugabe kuti angangoitwa sarudzo.

Mukuru webazi rezvegwara remusangano, Policy and Research muMDC T, VaCharles Mangongera, vati vanotsigira danho ratorwa naVaTsvangirai sezvo VaMugabe vari kutyora chibvumirano cheGPA nekuda kuita mbimbindoga.

Asi mutevedzeri wemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa vati hapana chakaipa mukuita kwaVaMugabe sezvo bumbiro remitemo riripo pari zvino richivapa masimba ekutara mazuva esarudzo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG