Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri Muhurumende Vopesana paZuva Richaitwa Sarudzo Munyika


VaArthur Mutambara
Mumwe wevatungamiri vari muhurumende yemubatanidzwa, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanoti hurumende haisati yatara zuva richaitwa sarudzo dzemunyika.

Vachitaura neStudio7 vari kuNorth Carolina muAmerica, VaMutambara vanoti zuva richaitwa sarudzo rinotarwa chete mushure mekunge vatungamiri muhurumende, ivo VaMutambara, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vagara pasi vachiwirirana zuva richaitwa sarudzo.

Mashoko aVaMutambara anotevera mashoko egurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, ekuti Zimbabwe ichange yaita sarudzo dzese panosvika musi wa 29 Chikumi gore rino.

Vachitaura vari kuRome kwavakaperekedza VaMugabe kunoona kugadzwa kwaPope Francis, VaChinamasa vakati zvakakosha kuti sarudzo dzinge dzaitwa panosvika 29 Chikumi, sezvo panenge pasisina dare remakurukota, sezvo temu yaro ichipera musi uyu.

Vachitsigirawo mashoko aVaChinamasa aya, VaMugabe vakati hazvikwanisike kuti temu yedare reparamende iwedzerwe, vakati chingangowedzerwa chete itemu yehutungamiri hwenyika nehurumende.

Bepanhau reHerald rinoti VaMugabe vakatopa VaChinamasa basa rekuona nezvenguva dzekuitwa kwesarudzo idzi.

Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanotiwo hazvigoneki kuti sarudzo dzinge dzaitwa panosvina musi wa 29 Chikumi nekuti pane zvakawanda zvinodiwa nemutemo kuti zvinge zvaitwa pasati paitwa sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG