Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Anti-Corruption Commission Yotarisana neMatambudziko Makukutu


Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inonzi yaita musangano wekuzeya matambudziko ari kusangano nenhengo dzekomisheni iyi mukuita basa radzo.

Vari kuziva zviri kuitika vanoti hapana nhengo dzekomisheni iyi dziri kubuda pachena kuti zviyi zvakurukurwa pamusangano uyu.

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka izvo zvaita kuti vamwe vashandi pamwe nemamwe makomishina apinde mukuhwanda vachityira hupenyu hwavo.

Izvi zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nedanho rakanga ratorwa nekomisheni iyi rekuda kuferefeta pamwe nekusecha mahofisi emapazi ehurumende anoti rebazi rezvemigodhi, bazi rezvekutakurwa kwezvinhu, bazi rezvevechidiki nekuendeswa kwepufumi kuvatema pamwe nemahofisi ekambani yehurumende inoona nezvezvicherwa, yeZimbabwe Mining Development Corporation.

Zvinonzi komisheni iyi yakazomiswa svondo rapera nemutongo wedare repamusoro, wakaturwa nemutungamiri wevatongi vematare edzimhosva, VaGeorge Chiweshe, mushure mekutenderana nekomisheni iyi pamwe nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri nemuchuchisi mukuru VaJohannes Tomana.

Bepanhau reHerald razivisawo kuti makomishina ezvekudzivirirwa kwehuori ari kuronga kusiya basa ose pamusangano wanga wakarongwa kuitwa uyu.

Mukuru weZACC, Muzvare Sukai Tongogara, pamwe nasachigaro wekomisheni iyi, VaDenford Chirindo, vati havakwanisi kutaura nesu nezvenyaya iyi, vachiti tibate mutauriri weZACC, VaGoodwill Shana, avo tatadza kubata.

Veruzhinji vakagara vakashora mashandiro ekomisheni iyi vachiti haina meno, sezvo isiri kuwana rutsigiro kubva kumapurisa nekumatare edzimhosva.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vaudza Studio 7 kuti kana boka iri rikaramba risingawani rutsigiro kubva kumapurisa nematare edzimhosva rinongoramba risina mazino.

VaMutasa vanoti zvimwe zviri kutadzisa ZACC kushanda zvakanaka inyaya yekuti chose chainenge yada kuita chiri kubva chaiswa mune zvematongerwo enyika nemapato ezvematongerwo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG