Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotarisirwa Kuzeya Gwaro reBumbiro Idzva


Zanu PF iri kutarisirwa kusangana nemusi weChina muHarare kuti inzwe pasvika hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva kubva kune vanga vachimirira bato iri muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro uhwu.

Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe nemumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, ndivo vari kumirira Zanu PF mukunyorwa kwebumbiro idzva.

Mutauriri webato reZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti havatarisiri kuti musangano wePolitburo uyu ungapikise zviri mugwaro rebumbiro idzva iri, sezvo mutungamiri webato ravo, uye vari sachigaro wePolitburo yacho, VaRobert Mugabe, vakatotambira kare zvirimo.

Mwedzi mishoma yapera Politburo iyi yakambotambira gwaro rebumbiro iri parakabva kuSecond All Stakeholders Conference, asi yakazenge yoramba zvimwe zvezvinhu zvaivemo ichiti hazvina kubva muvanhu pakanzwiwa pfungwa dzavo.

Svondo rapera vatungamiri vemapato ari muhurumende vakawirirana pane zvanga zvasara zvichinetsa, izvo zvakazoita kuti hurongwa hwebumbiro husvike pahwave nhasi.

Masachigaro eCOPAC ave kutarisirwa kusvitsa gwaro rebumbiro iri kuselect committee neMuvhuro, iyo ichazorisvitsa kuparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG