Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Zvinetswa Zvava Zvishoma Munzira yeBumbiro Idzva


Masachigaro ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, anonzi akasangana neMuvhuro muHarare akawirirana pane zvinetswa zvishanu kubva muzvitanhatu zvinonzi zvanga zvasarira zvichinetsa.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, uye vari mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti vakawirirana panyaya yekuendesa masimba kumatunhu, hofisi yemuchuchisi wenyika, masimba ehurumende, komisheni yezveminda, pamwe nekomisheni yerunyararo nekuregererana.

Chinetswa chinonzi chasara inyaya yekuti anenge achikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, asarudze mutevedzeri wake, uyo achange achishanda naye munguva yekutsvaga rutsigiro pamwe nepanenge poitwa sarudzo dzaco, kana kuti running mate. Nyaya iyi inonzi ichakurukurwa nezvayo mumazuva anotevera.

VaMwonzora vanoti semasachigaro vachasvitsa zvavakawirirana kukomiti diki iri kutarisa zvinetswa zvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference nemusi weChina.

Musangano weMuvhuro waive wekutevera mumwe wakaitwa nekomiti duku iri kutarisa zvinetswa zvakabuda kuSecond All Stakeholders Conference pamwe nemasachigaro aya nemusi wa 27 Zvita, wekuedza kugadzirisa matambudziko anonzi amisa kufambiswa kwechirongwa chekunyorwa kwebumbiro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nasachigaro weCOPAC anomirira Zanu PF, VaPaul Mangwana, sezvo vati vanga vari mumusangano, uyo vasina kutsanangura kuti ndeweyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG