Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veVashandi veHurumende Vanotadza Zvakare Kuwirirana


Vashandi vehurumende vanoti vari kuda mari dzinofambidzana nepoverty datum line
Vashandi vehurumende vanoti vari kuda mari dzinofambidzana nepoverty datum line
Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasangana neChipiri muHarare kwemaawa matanhatu asi vatadza kubuda nemazita evanhu vapfumbamwe vanofanirwa kuzopinda munhaurirano dzemihoro nevamiriri vehurumende.

Zvinonzi kunetsana kwauya zvichitevera kurambira zvigaro zvevachaenda kumusangano uyu kwaitwa nemasangano eZimbabwe Teachers Association, Zimta nePublic Service Association, ayo anonzi ane zvigaro zvitatu zvitatu, ukuwo Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, iine zviviri kuchizotiwo Teachers Union of Zimbabwe, TUZ, iine chimwe chete.

PTUZ inonzi yanga yazvipira kuti isarende chigaro chimwe chete kana kutobuda muchikwata chenhaurirano ichi kuitira kupa mamwe masangano mukana, asi zvinonzi danho iri rarambwa zvakare nemamwe masangano.

Pane masangano gumi nemaviri anomirira vashandi, ipo pachidiwa vanhu vapfumbamwe chete.

NeMuvhuro vamiriri vevashandi ava vakaita musangano nemutevedzeri wegurukota rezvevashandi vehurumende, VaTongai Muzenda, avo vakakurudzira kuti masangano aya ashande pamwe.

Sachigaro weApex Council, uye vachitungamira sangano reCollege Lecturers Association of Zimbabwe, VaDavid Dzatsunga, vanoti vachaenderera mberi nemusangano uyu nemusi weChipiri uye vanotarisira kuti pane pundutso ichabuda mumusangano wavo uyu.

Asi VaDzatsunga vanoti kana vakatadza kuwirirana neChipiri hurumende ichaenderera mberi nemusangano ivo vasipo, danho ravanoti rinokuvadza vashandi.

Mutungamiri weZimta, VaRichard Gundani, vaudzawo Studio 7 kuti kunyange hazvo vatadza kuwirirana, kukwanisa kusangana kwaitwa nemasango ose ari gumi nemaviri chiitiko chakakosha zvikuru kwavari.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi, uyo ari kutambira madhora mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemanomwe pamwedzi, atambire mari inofambirana ne poverty datum line, iyo inonzi iri pamazana mashanu nemakumi manomwe emadhora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG