Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veVashandi veHurumende Votadzisa Kusimudzwa kweNhaurirano dzeMihoro


Zimbabwe Protest
Kusawirirana mumasangano anomirira vashandi vehurumende kunonzi kwatadzisa zvakare kuti vabude nemazita evachapinda munhaurirano dzemihoro nevamiriri vehurumende.

Chiitiko ichi chinonzi chasvitsa kuti vanga vachikokera musangano waitwa pakati pevashandi nehurumende uye vari mutevedzeri wegurukota rezvevashandi nemabasa ehurumende, VaTongai Muzenda, vakumbire vatungamiri vemasangano aya kuti vashande vachifunga vavanomirira, kwete zvigaro zvavo.

VaMuzenda vanonzi vakumbira masangano aya kuti agadzirisane nekukasika kuitira kuti paumbwe chikwata chine vanhu vapfumbamwe chinonomirira vashandi uye kuti mazita acho aendeswe kuhurumende nekukasika.

Zvinonzi paita kukandirana makombvu nematete zvakare pakati pevamiriri vemasangano aya mumusangano uyu, vachipomerana mhosva yekunonotsa kusimuka kwenhaurirano, izvo zvinonzi zvazoita kuti musangano uyu ugurirwe panzira uye pasungwe kuti masangano aya asangane zvakare oga neChipiri.

Masangano aya anofanirwa kubuda nemazita mapfumbamwe evanhu vachamirira vashandi munhaurirano kubva mumasangano gumi nemaviri anomirira vashandi.

Mamwe masangano anonzi haasi kufara nematanho ari kutorwa nemasangano anoti reZimbabwe Teachers Association, Zimta nePublic Service Association, ayo anonzi ari kuda kuti apinze vanhu vakawanda muchikwata ichi, achiti ndiwo ane nhengo dzakawanda.

Rimwe dambudziko rinonzi riri kunetsa mumasangano aya nderekuti ndiyani anofanirwa kutungamira Apex Council, sezvo mamwe masangano ari kunzi ari kuramba hutungamiri hwaVaDavid Dzatsunga vanotungamira College Lectureres Association of Zimbabwe.

Svondo rapera gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vanonzi vakaburitsa pachena dambudziko riri kutadzisa kuti nhaurirano dzemihoro dzisimuke, vachiti riri kubva mumasangano ari kumirira vashandi avakati haasi kushanda pamwe chete.

Mashoko aVaGoche aya akatsinhirwa nekutadza kubudirira kwemusangano waifanirwa kuitwa nevashandi nemusi weChishanu, uyo unonzi wakangopindwa nemasangano matanhatu chete kubva mumasangano gumi nemaviri anomirira vashandi.

Vashandi vehurumende vari kuda kuti mushandi wepasi, uyo ari kutambira mazana maviri nemakumi mapfumbamwe ane madhora manomwe pamwedzi, atambire mari inofambirana ne poverty datum line, iyo inonzi iri pamazana mashanu nemakumi manomwe emadhora.

VaDzatsunga vanoti vanotarisira kuti musangano wavachaita neChipiri uchaunza chiedza muhuwandu hwavo kuitira kuti zvinhu zvifambire mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG