Accessibility links

Breaking News

Musangano weHurumende neVashandi Unotadza Kuburitsa Chimuko


تبت کے ایک پناہ گزین کیمپ میں بچے آپس میں کھیل رہے ہیں۔
تبت کے ایک پناہ گزین کیمپ میں بچے آپس میں کھیل رہے ہیں۔
Vari kumirira vashandi vehurumende munhaurirano dzemihoro vasangana nevamiriri vehurumende muHarare mukutanga kwenhaurirano idzi mumusangano unonzi nevashandi hauna chawaburitsa.

Sachigaro veApex Council uye vachitungamira sangano reZimbabwe Teachers’ Association, Zimta, VaRichard Gundani, vanoti havana kufara nemusangano uyu nekuti hurumende yanga isina chayakabata kunyange vakambenge vavimbiswa kuwedzerwa mari dzemihoro. Izvi zvakaitwa zviri kunze kwenhaurirano.

Muna Gumiguru, gurukota rezvevashandi vehurumende, VaNicholas Goche, vanonzi vakavimbisa kuti hurumende ichatsinhira mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, munguva yesarudzo ekuti vashandi vehurumende vanofanirwa kuwedzerwa mari dzemihoro.

Mashoko aya anonzi akazotsinhirwawo zvakare nasachigaro veCivil Service Commission, VaMariyawanda Nzuwa.

VaGoche varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havangataure nezvazvo idzo nhaurirano nevamiriri vevashandi dzichiri kungotanga.

Vashandi vari kuda kuti mushandi wehurumende anotambira mari iri pasi pasi, atambire mari inofambirana nepoverty datum line, iyo inonzi iri pamazana mashanu nemakumi manomwe emadhora pamwedzi.

VaGundani vanoti vave kutarisira kusangana zvakare nehurumende kutanga kwemwedzi unouya. Asi vachiti vanofara kuti pave nekutaurirana uko kwanga kusipo kwemakore maviri nechidimbu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru werimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanotiwo havana kufadzwa nekusagadzirira kwehurumende, asi vanotarisira kuti nhaurirano dzegore rinouya dzinofanirwa kuitwa zvikoro zvisati zvavhurwa muna Ndira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG