Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kupatsanura Zvidanho zveVashandi Vayo


VaNicholas Goche
VaNicholas Goche
Hurumende inoti ine hurongwa hwekupatsanura vashandi vayo kuti vabhadharwe zvichifambirana nedzidzo ine munhu, ruzivo rwake rwebasa, uye makore aagara pabasa.

Gurukota rezvevashandi nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, vakaudza bepanhau reHerald kuti hurumende yakatotanga kufambisa hurongwa hwekupatsanura zvinzvimbo, uho vakati huri kutungamirwa neboka reCivil Service Commission.

Danho iri rinoziviswa pamberi pemusangano wemihoro pakati pevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende uyo uri kutarisirwa kuitwa neChitatu.

Hurumende yakanga yaunganidza vashandi vayo pamuhoro mumwe chete munguva yekuoma kwezvinhu muna 2009, zvisineyi nekuti vaive nemagwaro akadii ebasa kana kuti vagara pamabasa kwenguva yakadii.

Zvinonzi vaikwidziridzwa pamabasa vaigona kungowedzerwa pakati pedhora rimwe chete kana madhora mashanu izvo zvinonzi zvakaderedza mufaro wevashandi avo vanonzi vakanga vasisashanda zvine simba.

Munyori mukuru werimwe sangano revashandi vehurumende, rePublic Service Commission, VaEmmanuel Tichareva, vaudza Studio 7 kuti vanotambira danho iri sezvo vachitarisira kuti richadzosa mufaro muvashandi vehurumende.

Vatiwo sevashandi vanga vasati vaziviswa nehurumende nezvedanho iri, asi vanotarisira kuti vachaudzwa zviri pamutemo pamusangano wavachaita neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanotiwo idanho rakanaka asi vati vashandi havafanirwe kutanga kupembera vasati vaona kuti hurumende haina chitsotsi chayakaviga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG