Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yozeya Matambudziko Ayakatarisana Nawo


Kanzuru yeChitungwiza inonzi iri kutadza kubhadhara vashandi vayo kwemwedzi yave kuda kusvika gumi
Kanzuru yeChitungwiza yaita musangano wekuzeya zvinetswa zvairi kusangana nazvo, zvinosanganisira nyaya yemihoro yevashandi vayo, avo vanonzi vave nemwedzi yakawanda vasati vatambira mari.

Imwe nyaya yapinzwa mudariro inyaya yemamita ekuti vagari vafanotenga mvura yavanenge vachida kuzoshandisa kana kuti pre-paid water meters.

Vagari vanoti havasi kuzotambira hurongwa hwekuti kanzuru ienderere mberi nekutenga mamita aya, sezvo iri kukoshesa zvinhu zvisingadiwe nechimbichimbi, iyo ichitadza kubhadhara vashandi vayo.

Kanzuru yeChitungwiza inonzi yakatenga mamita zviuru zvitatu zvinokosha mazana maviri nemakumi matanhatu ane zviuru zvishanu zvemadhora kubva ku China, ayo anotarisirwa kusvika munyika mwedzi unouya.

Mutevedzeri wameya weChitungwiza, VaGodwell Simbarashe Mushangwe, vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo yakurukurawo nyaya yemihoro nemamita, idzo vati vakapinda muhofisi vakawana zvirimo kare.

Vatiwo kanzuru iri kutadza kubhadhara vashandi nekuda kwekutadzawo kwayo kuwana mari yakawanda kuburikidza nemitero, iyo vati vagari havasi kubhadhara.

VaMushangwe vanoti panyaya yemamita vachiri kuizeya vozobuda nezvisungo zvavachadzokera nazvo kuvagari kuti vaone kuti vangaenda mberi sei.

Vatiwo musangano wavo wasungawo kuvaka makomba ekupisira tsvina dzinenge dzaitika kana kuti autoway pits, ayo vati anoita zviuru zvitatu zvemadhora.

Vati kanzuru iri kutora danho iri senzira yekuchengetedza nayo mari sezvo michina inodiwa pabasa iri, kana kuti incinerators, ichidhura zvikuru zvekudarika zviuru makumi masere zvemadhora.

Vati makomba aya anokwanisa kushandiswa kwemakore anosvika gumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG