Accessibility links

Breaking News

Makomiti eParamende Onan'anidza Bhajeti ra2014


VaPatrick Chinamasa vakatura bhajeti re$4.1 billion iyo inonzi neMDC T haitungamidze varombo mberi.
VaPatrick Chinamasa vakatura bhajeti re$4.1 billion iyo inonzi neMDC T haitungamidze varombo mberi.
Makomiti eparamende akamirira mapazi ehurumende, kana kuti portifolio committees, ari kusangana kuparamende muHarare achinan’anidza pamwe nekuzeya mari dzakapiwa mapazi aanomirira pabhajeti regore rino.

Izvi zviri kuitirwa kuti vadare vazokurukura bhajeti iri panovhurwa paramende nemusi weChipiri svondo rinouya.

Makomiti aya anonzi achazobuda nemagwaro ekurudziro dzaanofunga kuti zvingaitwe bhajeti risati ratambirwa.

Gurukota rezvemari, VaPartick Chinamasa, mwedzi wapera vakaparura mashandisirwo emari yehurumende, iyo vakaisa pamabhiriyoni mana nemazana rezviuru zvemadhora.

Bato reMDC T rakatovimbisa kare kuti richapikisa bhajeti raVaChinamasa iri parichakurukurwa muparamende svondo inouya. MDC-T inoti bhajeti iri harina kuisa varombo pamberi.

Mukokeri wenhengo dzeMDC T muparamende, uye vachimirira Mutare Central, VaInnocent Gonese, vanoti hongu nhengo dzavo dziri kushanda mumakomiti aya asi hazvirevi kuti dzinotambira bhajeti iri sezvo musi warichazeyiwa dzinenge dzichimirira zvido zvebato radzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukokeri wenhengo dzeZanu PF mudare reparamende uye vachimirira Mberengwa West, VaJoram Gumbo, vanotiwo havaoni kusatambirwa kwebhajeti neMDC T kuchiritadzisa kupasa.

Vanotiwo ikodzero yebato iri kupikisa hurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG