Accessibility links

Breaking News

VaChimombe veMDC-T Vopumha Zanu PF Huroyi


Sachigaro weMDC T mudunhu reMashonaland Central, VaGodfrey Chimombe, vanoti hapana ati asungwa zvichitevera kukandwa kwemabhambu epeturu muchitoro chavo chiri kwaNyava kuBindura South, neChipiri mambakwedza.

VaChimombe vari kuramba mashoko ekuti chiitiko ichi chinogona kunge chiine chekuita nemakakatanwa ari mubato ravo pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, nechimwe chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, sezvabuda mubepanhau reThe Herald.

Vanoti aya mabasa ebato reZanu PF pamwe nevasori.

VaChimombe, avo vakanga vakarara muchitoro ichi, vanoti havasati vapedza kuunganidza humbowo hwekuti vabude nehuwandu hwezvinhu zvakaparadzwa nemabhambu mana avanoti akakandwa muchitoro chavo.

Vanotiwo ivo vakatsva maoko mushure mekuedza kudzimura moto uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chiitiko ichi chinouya masvondo mashoma shoma imba yemunyori mukuru muMDC T, VaTendai Biti, iri muHarare yakandirwawo bhambu reputuru.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko aVaChimombe aya vachiti hapana angatadza kuona zviri kuitika mubato reMDC-T pari zvino nezvazvinoreva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG