Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Mafambiro Aiita Zvinhu Mudare reConCourt


Constitutional Court Tendai Biti Zimbabwe Elections
Constitutional Court Tendai Biti Zimbabwe Elections

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti matare abata nenzira kwayo nyaya yegakava riripo pkati pemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Izvi zvinotevera kupinda kwaita nyaya iyi mudare reConstitutional Court kunyange hazvo magweta aVaMnangagwa anga achipikisa kuti nyaya yaVaChamisa haifanirwe kunzwikwa sezvo magwaro avo akasvika kuna VaMnangagwa zviri kunze kwemutemo

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano re Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zvaitika mudare ndizvo zvinofanirwa kuitwa kana nyaya dzesarudzo dzita mutauro.

Doctor Ruhanya vanoti ikodzero dzemapato anopikisa dzekukwidza nyaya kumatare edzimhosva kana vasina kugutsikana nemafambisirwo anenge aitwa sarudzo.

Vanoti dambudziko nderekuti hazvina kunyatsojeka kuti vatongi vedare vakazvimirira here pachokwadi kana kuti vane kwavakarerekera.

Vanoti kazhinji nyika dzinozvichengetedza kubva mukukundwa musarudzo nekubata mapazi mana emafambisirwo ezvinhu munyaya dzematongerwo enyika. Vati matare, nhepfenyuro , sangano rinofambisa nyaya dzesarudzo, uye maumbirwo emutemo zvinorerutsira bato rinenge richitonga mukukwikwidza musarudzo.

Vanotiwo hutungamiriri hwaVaMnangagwa hawuna kunyanyosiyana nehwaVaMugabe nekuti mabatiro avari kuita nyaya dzezvematongerwo enyika haana kusiyana neaiitwa naVaMugabe.

VaRuhanya, avo vaimbove mutori wenhau weDaily News isati yavharwa nechisimba nehurumende muna 2003, vanoti kumanikidzwa kwevanhu, kumbunyikidzwa uye kupisirwa misha nezvikonzero zvekuti vanhu vanotsigira bato rinopikisa, zvichiri kuitika muZimbabwe sezvaingoitika munguva yaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG