Accessibility links

Breaking News

COPAC Inoramba Kuti Gwaro reBumbiro Idzva Rakavandudzwa


COPAC inoti hapana zvakashandurwa pane zviri mugwaro rebumbiro iri, asi kuti kwaive kukwenenzvera
COPAC inoti hapana zvakashandurwa pane zviri mugwaro rebumbiro iri, asi kuti kwaive kukwenenzvera
Komiti yaikokera hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, yemanagement committee inonzi mukupera kwesvondo yakagadziridza zvimwe zvikamu zvegwaro rebumbiro idzva, senzira yekujekesa gwaro iri.

Bepanhau reHerald rati gwaro rebumbiro iri rakavandudzwa zviri kunze kwemutemo uye zvichakonzera kusawirirana kukuru. Bepanhau iri ratiwo izvi zvakaitwa zvisina mvumo yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Asi gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga vaudza Studio 7 kuti kugadziridzwa kwegwaro iri hakuna zvakunobvisa kana kuwedzera pane zvakabva muvanhu uye zvakatambirwa nedare reparamende.

Gwaro rebumbiro iri rakagazetwa svondo rapera.

Vachitsigira mashoko aVaMatinenga, mumwe wemasachigaro ekomiti yaitungamira hurongwa uhwu, VaDouglas Mwonzora veMDC-T, vati zvimwe zvezvikamu zvakabatwabatwa mugwaro iri zvinosanganisira 158, 160 ne 161, izvo zvinobata nyaya dzekuganhurwa kwematunhu.

Vatiwo izvi hazvisi kuzoshandiswa musarudzo dzichitwa gore rino, asi kuti musarudzo dziri mberi.

VaMwonzora vati mapato ose, kusanganisira remutungamiri wenyika, akanga akamirirwa pamusangano uyu. Vavati vakanga vakamirira Zanu PF igurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaNicholas Goche pamwe nevaimirira bato iri muCOPAC VaMunyaradzi Paul Mangwana.

Ivo VaMangwana vaudzawo Studio 7 kuti chakaitwa chete pagwaro iri kwaive kuri kwenenzvera, kwete kushandura zviri mariri uye izvi hazvidi mvumo yemutungamiri wenyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG