Mapurisa arambidza MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuparura hurongwa hwayo hwekutsvaira kuChitungwiza.
Mapurisa aya, ayo anga akatakura zvombo, afumira panzvimbo yemabhizimusi paUnit L muChitungwiza akatakura tsamba yanga ichirambidza MDC kuenderera mberi nehurongwa hwayo hwekuparura kutsvairwa kwenzvimbo dzakasiyana-siyana munyika kuitira kuti nyika igare yakachena.
Pasvika Studio 7 pamabhizimusi epa Unit L panga pasara mapurisa mashomanana anga achingotenderera uye vanhu vanga vauya kuzoona VaChamisa vachiparura chirongwa ichi vanga vadzokera mudzimba dzavo.
Mumwe wevanhu ava, Amai Viola Taderera, vaudza Studio7 kuti veruzhinji vanga vabuda chaizvo kuti vanotsvaira pamwe chete naVaChamisa, asi izvi zvatadziswa nemapurisa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati zvaitwa nemapurisa izvi zvinoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inotya veruzhinji nepamusana pekutadza kutungamira zvakanaka kwavanoti kuri kuitwa naVaMnangagwa.
VaTamborinyoka vaenderera mberi vachiti sebato iye zvino vatarirana mutsetse nehurumende yaVaMnangagwa zvichitevera kuramba vongorambidzwa nemapurisa kuenderera mberi nezvavanenge vakaronga.
Asi hurumende, kuburikidza negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati VaChamisa vanofanirwa kuteerera zvinotaurwa nemapurisa, uye kana vari pachokwadi chekuda kuchenesa nzvimbo vanofanirwa kubatana nemutungamiri wenyika muchirongwa chake chekutsvaira munzvimbo dzinogara veruzhinji.
Tsamba yemapurisa yekurambidza hurongwa hwaVaChamisa hwanhasi iyo yanyorwa nemukuru wemapurisa munharaunda yeChitungwiza, Chief Superintendent S. Mujiwa, iyo iri mumaoko eStudio 7, yakurudzira MDC kuti ibatane nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pavanenge vachiita hurongwa hwavo hwekutsvaira uhwo hunoitwa kutanga kwemwedzi wegawega.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati tigovabata zvakare patavafonera asi pataenda pamhepo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.
Facebook Forum