Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorova Zvakaipisisa Vatsigiri veMDC muHarare


MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition
MDC Police Brutality Zimbabwe Opposition

Vatsigiri veMDC varohwa zvakaomarara nemapurisa anga akapakatira zvombo pamuzinda webato ravo muHarare pavanga vakamirira kuturwa kwemashoko emamiriro akaita zvinhu munyika nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa.

Vatsigiri veMDC ava, avo vanga vaungana pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House, vakomberedzwa nemapurisa mushure memaminitsi mashoma VaChamisa vasvika pamahofisi apa ndokuzvindikitwa nemapurisa anga akatakura zvombo.

Mumwe wevarohwa ava ndiHenry Chimbiri mutori wenhau dzemifananidzo anoshanda akazvimirira.

Mushure mekuzvindikitwa kwavaitwa nemapurisa, vatsigiri veMDC ava vabva vaita rutsoka ndiberebe vachiita aziva kwake aziva kwake zvabva zvaita kuti mapurisa aya amwaye hutsi hunokachidza pamuzinda weMDC.

Mapurisa aya abva atanga kurova chero munhu anga ari mudhorobha izvo zvakonzera kuti zvimwe zvitoro nemabhanga zvivharwe kwechinguva.

Mumwe avatwa mumhirizhonga iyi, VaTongogara Machimbidza, vati vanga vasinei nezvanga zvichiitika pamuzinda weMDC asi vangosanganikwawo navo pakati pedhorobha vakarohwa zvakaomarara.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, VaTendai Biti, vashora zvaitwa nemapurisa vakakurudzira sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC, kuti riise ziso raro muZimbabwe.

Studio7 yafonera mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vanga vasiri kudaira runhare rwavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati zvaitwa nemapurisa zvinosiya zita rehurumende yeZimbabwe riri mumadhaka.

Vachitura mashoko avo kuvatori venhau nehumwe hutungamiri hwebato ayo avanga vachidaidza kuti Hope of the Nation Address, VaChamisa vashora kushandiswa kwemapurisa nemauto mune zvematongerwo vakati vaitarisira kuti paizove nemusiyano pakati pezvaiitwa nehurumende yaVaRobert Mugabe nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaChamisa vati sebato vave kuzosvika padanho rekuti havachakumbire mvumo kumapurisa kana vachida kuita misangano kana kuratidzira sezvo zvevapachena kuti hurumende yaVaMnangagwa haisi kukoshesa zviri mubumbiro remitemo mushure mekurambidzwa kakawanda kuita misangano kana kuratidzira nemapurisa munguva yapfuura.

VaChamisa vatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika vachiti chitsvambe chave kuruzhinji kuti rwugadzirise zviri kunetsa munyika kubudikidza nekuzadza migwagwa rwuchiratidzira.

Panyaya yezvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vavo vari muZanu PF, VaChamisa vati zvinobva chete kana pakagadziriswa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Vati hapana vekunze vachauya kuzosima mari munyika kana Zimbabwe ikasagadzirisa nyaya dzematongerwo enyika vachiti hapana anoda kuzosima mari yake munyika isina kugadzikana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG