Accessibility links

Breaking News

POLAD Yonetsana neHurumende yaVaMnangagwa Pakuvandudza Bumbiro reMitemo


VaLovemore Madhuku
VaLovemore Madhuku

Paita ropa rakaipa pakati pehurumende nevamwe vePOLAD padanho rakatorwa nehurumende rekuburitsa mugwaro raro reGovernment Gazette hurongwa kwekuvandudza bumbiro remutemo.

Kunyangwe hazvo Muzvinafundo Lovemore Madhuku vakamboudza studio 7 kuti kuburikidza nePolad vaizokumbira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti hurumende yavo imbomira kuvandudza chikamu chekuti mutungamiri wenyika abve asarudzwa pamwe chete nevatevedzeri vake vaviri kutanga muna 2023.

Hurumende inoti iri kuda zviripo ikozvino zvekuti mutungamiri wenyika asarudze vatevedzeri ava sarudzo dzapera.

VaMadhuku vati zvaitwa zvinoodza moyo sezvo vange vachida kuti zvimbozeyiwa kuPOLAD.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vanoti Zanu-PF ndiyo yakasarudzwa nevanhu kuti itungamire nekudaro haifanire kupa masimba ose kuPOLAD. Asi vati vePolad vakasungunuka kupa pfungwa dzavo sevamwe vose kana bhiri iri rozeyiwa.

Nyaya Ina VaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG