Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Makanzura eMDC kuBanket


MDC inoti yaneta nekuzorwa mafuta enguruve aisina kudya asi veZanu-PF vari kupara mhosva vachiita madiro ajojina vasingasungwe.

Panonzi paitazve ropa rakaipa pakati peMDC neZanu-PF muhurumende yemubatanidzwa mushure mekusungwa kwemakanzura maviri eMDC kuBanket muMashonaland West, vachipomerwa kuponda kanzura weZanu-PF, VaLancelot Zvirongwe, avo wakawanikwa mudhamu rePindi vakafa neChishanu.

Vakasungirwa nyaya iyi ndiVaEmmanuel Chinanzvavana pamwe naVaFani Tembo. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vamwe vatsigiri veMDC munzvimbo iyi vatotiza misha, uye vamwe vava kugara vakabatira ura mumaoko nekutya kuti vachazorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti vari kushushikana zvikuru nezviri kuitika izvi.

Zvichakadaro sangano reHuman Rights Watch rinoti MDC iri kudzivirira Zanu-PF kuti isaomeserwe panyaya yekutyora kwairi kuita kodzero dzevanhu. Sangano iri rinoti MDC haisi kufumura zviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa, ichityira kuti inogona kuondomoka.

Chipangamazano cheHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti MDC haifanire kurova imbwa yakaviga mupini panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG