Accessibility links

Breaking News

Poita Maonero Akasiyana paNyaya Yekutengeswa kweMakambani


Vakawanda munyika havasi kunyatsowirirana padanho rakatorwa nehurumende rekuda kutengesa mamwe makambani ayo.

Mukuru wesangano reAffirmative Action Group mudunhu reMatabelelandVaReginald Shoko vanovewo muongorori wezvehupfumi akazvimirira vanoti danho rehurumende rekuda kutengesa mamwe makambani ayo rakanaka.

Vanoti makambani aya ave nenguva achitatarika izvo zvange zvichiita kuti hurumende igare ichiburitsa mari yakawanda yekutsigira makambani aya pane kuti akwanise kuzviriritira pachawo. Vatiwo kutengesa makambani aya kuchaita kuti akwanise kuita mabasa nemazvo sezvinotarisirwa.

Pamusangano wakaitwa munguva pfupi yapfuura wekuzeya hurongwa hwebhajeti yehurumende yegore rinouya muBulawayo, mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vakaburitsa kusafara kwavo nekunonoka kwavakati kunoitwa nehurumende kuita zvinhu zvainenge ichifanirwa kuita vachiti ndezvimwe zvinodzorera nyika kumashure.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakabvuma kuti hurumende inombodhonza tsoka pane zvakawanda zvainenge ichifanirwa kuita, asi vakavimbisa pamusangano mumwe chetewo kuti hurongwa hwekutengeswa kwemakambani ehurumende vari kuhukoshesa uye huchaitwa nekukasika.

VaShoko vanoti zvakakosha kuti kutengeswa kuri kuitwa makambani aya kuitwe zviri pachena senzira yekudzivirira huwori, uye vanotiwo kunyange hazvo kutengesa iri pfungwa yakanaka, vanobvumirana nemaonero ekuti kutengesa uku kunogona kuita kuti vamwe vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa.

Mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions VaPeter Mutasa vanoti maonero ematanho ari kutorwa nehurumende kusanganisira kutenegsa mammwe makambani senzira yekuedza kugadzirisa hupfumi haana kusiyana nechirongwa cheEconomic Structural Adjustment Programme, kana kuti ESAP chakaitwa pakunopera kwemakore ekuma1980.

VaMutasa vanoti zvirongwa zvakadai zvinowedzera kuwoma kwehupenyu hweveruzhinji vachiti hurumende inofanirwa kugara pasi nevashandi nevashandirwi kuti vabvumirane pamusoro pekuti nyika yotora gwara ripi munyaya dzezvehupfumi.

VaButler Tambo murwiri wekodzero dzevanhu uye muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira vanoti kutengesa makambani ehurumende kunyanya ayo asingaite mabasa akanyanyokosha hakuna kuipa.

Asi vanoti kune mamwe makambani akakoshera nyika akaita seezvemagetsi nemvura haafanirwe kutengeswa.

VaVincent Chakunda mudzidzisi wezvebudiriro uyewo muongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira. Vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti pane mamwe makambani ehurumende asingafanirwe kutengeswa asi agadziriswe kuti ashande zvakanaka.

Gwaro richangoburitswa nehofisi inoongorora mashandisirwo emari yehurumende kana kuti Auditor-General inoratidza kuti pane makambani makumi maviri nematatu ehurumende ari kutatarika. Makambani aya anezvikwereti zvemamiriyoni akawanda emadhora uye anosanganisa, NetOne, Telecel, Zimpost, ZUPCO, Road Motor Services nemamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG