Accessibility links

Breaking News

Poita Kusawirirana muHurumende Padhiri reZisco neEssar Africa Holdings


Pane mashoko ekuti dhiri pakati peZisco nekambani yeEssar Africa Holdings, iyo yakatenga masheya zvikamu makumi mashanu nezvina kubva muzana zveZiscosteel, harina kufambiswa zvakanaka, izvo zvinonzi zvingangogona kuita kuti hurumende irasikirwe nezvimwe zvikamu zvezvicherwa zvesimbi.

Bepanhu reThe Herald rinoti gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, vakapasisa dhiri iri nenzira dzisina kutsarukana.

Asi VaNcube vaudza NewsDay kuti hapana chakakanganiswa padhiri iri.

Kunyange hazvo paine mashoko ekuti dhiri iri harina kufambiswa zvakanaka, hurumende pamwe nekambani yeEssar Africa Holdings iyi, zviri kutarisirwa kuparura zviri pamutemo kumutsiridzwa kwekambani yeZisco nemusi weChitatu svondo rino.

Kambani yeEssar Africa Holdings inonzi yakaisa mari inota $750 million yekushandiswa mukumutsiridzwa kweZisco.

Ukuwo, komiti yeparamende inoona nezvemigodhi nemhando dzemoto yasanganawo nevanochera simba kuti vatsanangure kukomiti iyi mashandiro avari kuita.

Sachigaro wekomiti iyi, uye vachimirira Guruve South mudare reparamende, VaEdward Chindori Chininga, vaudza Studio 7 kuti panyaya yeZisco, komiti yavo haizofi yakashandiswa nevamwe muhurumende vasiri kufarira dhiri rekumutsiridzwa kweZiscosteel iri.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, vatiwo pane vamwe vari mubato reZanu PF vasiri kufarira dhiri raVaNcube iri sezvo vasina kukwanisa kudya kubva mariri.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

XS
SM
MD
LG