Accessibility links

Breaking News

Peter Ndlovu Osarudzwa Kutungamira Bato Rinopikisa


VaSabastian Mubvumbi
VaSabastian Mubvumbi

Mutambi wenhabvu ane mukurumbira Peter Ndlovu anonzi ndiye akasarudzwa kutungamirira rimwe bato rinopikisa richangoparurwa reAll People’s Party kana kuti APP.

Ndlovu uyo ari kuSouth Africa kwaari maneja wechikwata cheMamelodi Sundowns anonzi achazouya kuzotungamira bato panguva yakakodzera asi iko zvino VaSabastian Mubvumbi ndivo vakafanobata chigaro chekutungamira bato iri muZimbabwe.

Hatina kukwanisa kubata Ndlovu kuti tinzwe divi rake sezvo nharembozha yake yange isiri kudairwa. Asi vaMubvumbi vatenda kuti ndivo vakafanobata matomu asi Ndlovu ndiye akasarudzwa.

Ndlovu akatambira chikwata cheHighlanders asati aenda kuBritain uko akatambira, Coventry City, Birmingham City, Huddersfield ne Sheffield United.

Ndiye mutambi wekutanga wemuAfrica kutambira English Premier Soccer League.

VaMubvumbi vaudza Studio 7 kuti vakaumba bato iri nekuti havasi kugudzikana nezviri kuitwa nemapato arip ikozvino ayo vanoti ane huori.

Hurukuro naVaSabastian Mubvumbi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG