Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvomira Kufamba Munyika Kudzamara ConCourt Yapedza Kutonga


Va Eric Matinenga
Va Eric Matinenga

Vamwe vanhu vanoti hapana chiri kufamba munyika nekuda kwenyaya yekuti ndiyani akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika iri kumatare.

Vakawanda vataura neStudio7 vanoti nyaya iri kumatare iyi yamisa kufamba kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi, kusashanda kwemapazi ehurumende zvakanaka, uye pamwe nekusafambiswa zvakanaka kwemakanzuru munyika.

Mugari wemuHarare, VaTomsom Madyira, vanoti nyaya iri kumatare inokanganisa zvehupfumi sezvo vane mari dzavo havakwanise kupinza mari yavo munyika vasingazive kuti remangwana rinenge rakamira seyi.

VaMadyira vanoti kana pasina munhu akakunda zviri pamutemo vanhu kusanganisira naivo vanenge vasina kugadzikana mumararamiro avo.

Mumwe mugari, VaShakespeare Ndoro, vanoti nyaya dziri kumatare dzinokanganisa kugadzwa kwemakanzura evakasarudza nevamiriri muparamende.

VaNdoro vanoti mvura icharamba ichishayikwa uye migwagwa isingagadzirwe.

Vaimbove gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende muhurumende yemubatanidzwa, Advocate Eric Matinenga, vanoti zvinhu zvakamira munyika kubva kuhurumende kusvika kuhurumende dzematunhu kunyange mutungamiri wenyika aripo pamwe nemakurukota.

VaMatinenga vanoti mutemo unofanirwa kuvandudzwa kuti makanzura ashande kusvikira vamwe vagadzwa kuti pasaiswe makomishoni anofambisa mabasa emakanzuru.

Masangano anomirira vagari mumatunhu nemaguta ari kuratidza kushushikana zvikuru nekusagadzwa kwemakanzura sezvo achifanirwa kugadzwa negurukota rezvematunhu rinenge ragadzwa mushure mesarudzo

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG