Accessibility links

Breaking News

Mapato Okurudzira Runyararo Munyika kwaMutare


Mapato Obatana
Mapato Obatana
Nhengo dzemapato matatu ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa dzabatana neChishanu muchirongwa chekukurudzira runyararo munyika.

Nhengo idzi dzafora kubva muSakubva dzichienda mukati meguta umo dzatsvaira nzvimbo dzange dziine tsvina.

Izvi zvaitwa muhurongwa hwanga hwakarongwa neboka re Joint Monitoring and Implementation Committee, JOMIC, paine chinangwa chekuti vanhu vagarisane murunyararo.

Vatsigiri vemapato maviri e-MDC pamwe nevatsigiri ve Zanu PF, vanga vakapfeka mbatya dzemapato avo.

Vanhu ava vasati vatanga hurongwa hwavo, vanamatirwa naBishop Alexio Muchabaiwa veRoman Catholic, vachikumbira kuti munyika muve nerunyararo.

Vange vakamirira sachigaro we-Zanu PF muManicaland, VaMike Madiro avo vange vasipo , VaTendai Samanga, vati zvinhu zvinonyadzisa kuona vanhu vachirwira nyaya dzematongerwo enyika.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, sachigaro weMDC-T muManicaland, VaJulius Magarangoma, vatiwo vakuru muhurumende vari kusimbaradza runyararo munyika nokudaro veruzhinji havafanirwe kurwisana kunyange vasingawirirane.

Sachigaro weMDC-N, VaDavis Mundirwira, vatiwo vanhu vanofanirwa kuremekedza zvido zvevamwe vanhu munyaya dzematongerwo kuitira kuti vasarwisane.

Mutauriri wemapurisa muManicaland, Inspector Enock Chishiri, vatiwo zvakakosha kuti kana vanhu vadzokera kudzimba dzavo, vakoshese zvavanga vachiita neChishanu.

JOMIC inoti iri kukurudzira veruzhinji mumativi mana enyika kuti vagarisane murunyararo izvo zviri kupa kuti iite zvirongwa zvakadai munzvimbo dzakasiyana siyana.
Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG