Accessibility links

Breaking News

Pazuva reAfrica Day, VaMnangagwa Vokurudzira Kubviswa kweZvirango.


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yabatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva reAfrica Day iro riri kucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekumisa hondo uye kurwisa chirwere checoronavirus kana kuti “Silencing the guns in the context of the Covid-19.”

Vachitaurawo kuState House muHarare, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati kunyangwe hazvo Africa yakawana kuzvitonga kuzere, Zimbabwe ichiri pajoki nenyaya yezvirango zvavanoti yakatemerwa nenyika dzekunze nenyaya yekuti yakatora ivhu kuvachena ikapa vatema.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyika idzi dzinoti dzakatemera VaMnangagwa nevamwe vavo chete nemhosva yekutonga nedemo.

VaMnangagwa vakurudzirawo kuti nyika dzemuAfrica dzibatane kuti dzizadzikise zviga zvebudiriro.Vatiwo Zimbabwe inotenda magamba ose emuAfrica akaita saVaJulius Nyerere akabatsira mukurwisa vapembepfumi.

Mashoko aVaEmmerson Mnangagwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zuva ra25 Chivabvu gore roga roga rinocherechedza kuumbwa kwesangano reOrganization of Africa Unity kana kuti OAU uye ave makore makumi mashanu nemanomwe kubva zvaraumbwa.

Asi nekuda kwechirwere checoronavirus, vatungamiri venyika dzakawanda vemuafrica vacherechedza zuva iri vachishandisa humhizha nehumhetura hwechizvino zvino kana kuti virtual technology.

Vaita izvi vanosanganisira sachigaro weAfrica Union vari mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa uye gamba remuAfrica vari ivo chete munhu asara ari mupenyu pavanhu vakavamba OAU Dr Kenneth Kaunda avo vaimbotungamira nyika yeZambia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG