Accessibility links

Breaking News

Kubhadharwa Kuchaitwa Varimi veFodya Hakusati Kwajekeswa


Tobacco auction in Harare
Tobacco auction in Harare

Komiti yeparamende inoona nezvekurima nhasi yaratidza kusafara kwayo nekusarongeka zvakanaka kwekambani yeTobacco Industries Marketing Board (TIMB) apo kambani iyi yaudza komiti iyi kuti haisati yave nehwaro hwekuti varimi vachabhadharwa sei panguva iyo kwasara masvondo matatu ekuti varimi vatengese fodya yavo.

Vachitaura pamusangano wekuzeya gadziriro yemwaka wekutengesa fodya gore rino, mukuru wekambani yeTIMB, Dr Andrew Matibiri, pamwe nesachigaro webhodhi rekambani iyi, VaPat Davenish, vati gadziriro dzave pachidanho chepamusoro asi vachakamirira kunzwa kubva kuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kuti varimi vachabhadharwa seyi.

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvekurima dzange dzichida kuziva kuti ndeepai matanho atorwa nekambani kugadzirisa nyaya dzemari dzinogara chichichema nevarimi gore gore.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaBramwell Seremwe, vati varimi havasi kufara nemabhadharirwe avari kuitwa.

Asi VaMatibiri vati TIMB haisati yaudzwa neRBZ kuti varimi vachabhadharwa sei.

Asi vati vanoziva matambudziko nezvichemo zvevarimi uye vakazviendesa kuRBZ.

Sachigaro wekomiti iyi, VaJustice Mayor Wadyajena, vati komiti yavo haingaenderere mberi nemusangano kana TIMB isati yave kuziva kuti varimi vachabhadharwa sei.

Nekudaro vati vachaita mumwe musangano nekambani iyi misika yefodya isati yavhura musi 7 Kubvumbi.

Mukuru werimwe remasangano anomirira varimi munyika, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakaria, vaudza Studio7 kuti vanoshushikana zvikuru kuti kunyange yazvo RBZ yakavazivisa kuti yawedzera mari yekunze ichatambirwa nevarimi kubva pazvikamu makumi mashanu kusvika pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana, havasati vaudzwa kuti vachabhadharwa sei.

VaZakaria vati varimi vanoda kuti mari iyi iwedzerwe kusvika pazvikamu makumi masere kubva muzana.

Vatiwo zvakakosha kuti pave nehwaro hwekuti fodya inotengeswa sei kwete kuti gore negore panotsvagwa nzira yekuti zvinhu zvofambiswa sei.

Vatiwo mwaka wegore rino wange wakanaka chose uye varimi vanofanira kuudzwa nyaya dzekuti vanobhadharwa sei paine nguva.

Gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vati iyi inyaya yava katogadziriswa. As VaMangudya havana kutipa zvizere panyaya iyi pataenda pamhepo.

TIMB yazivisa kuti misika yefodya mitatu inoti Tobacco Sales Floor, Boka Tobacco Floors pamwe nePremier Tobaccco Auction Floor ichavhura misika yayo muHarare musi wa7 Kubvumbi uye misika iyi ichange ichitevedza mitemo yese nezvose zvinodiwa kudzvirira kupararira kwe denda reCovid-19.

Yati pane makambani makumi maviri nemasere achange achitenga fodya pamisika iyi.

Yatiwo kune nzvimbo shanu dzichange dzichitengerwa fodya nemakambani akazvimirira kwaRusape, Marondera, Bindura, Mvurwi neKaroi uye kunzvimbo idzi fodya ichatanga kutengwa musi wa8 Kubvumbi.

Pane makambani makumi matatu nemapfumbamwe achange achitenga fodya kunzvimbo idzi.

Huwandu hwefodya gore rino hunotarisirwa kukwira kubva pamamiriyoni zana nemakumi masere nemana kusvika pamamiriyoni mazana maviri kana kudarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG