Accessibility links

Breaking News

Varwere Voyaura Vari Muzvipatara zveHurumende


Doctors Strike Bulawayo

Apo hurumende iri kudzinga vana chiremba, varwere vakawanda muzvipatara zvikuru muguta reBulawayo vari kushaya rubatsiro sezvo madhokotera akawanda asiri kuenda kubasa.

Pasvika Studio 7 pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals, varwere vange vauya vange vachionekwa naana mukoti kunyanya avo vachiri kudzidzira basa.

Mumawadhi akasiyana-siyana mange muine vanhu vashoma.

Mumwe murwere angozvidoma nezita rekuti Moyo, uyo asina kuda kubuda pamhepo sezvo ati mushandi wehurumende, ati ange auya kuzotora magwaro ekuratidza kurapwa kwaakaitwa mushure mekuita tsaona.

Asi ati atadza kuwana magwaro aya sezvo vana chiremba vakawanda vange vasiri pabasa.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti vana chiremba vadzingwa basa United Bulawayo Hospitals kusvika pari zvino vangani sezvo mukuru waana chiremba pachipatara ichi, Dr Narcisius Dzvanga, vanzi vanga vari mumusangano.

Pachipatara chikuru cheMpilo vamwe varwere vange vauya kuzorapwa vange vachidzokera kumba vasina kuwonekwa. Mumawadhi mange muinewo vanhu vashoma.

VaReason Moyo, avo vange vauya nemudzimai wavo uyo ange achitadza kunyatso famba kuti awonekwe naana chiremba sezvo ari kuzarirwa, asi vatadza kuwonekwa.

VaMoyo vashora danho rehurumende rekudzinga vanachiremba basa vachiti izvi zviri kuomesera varwere.

Mumwe mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Amai Dube vati vanga vaperekedza hama yavo kuti izorapwa, asi vagara kwenguva refu vasina kuonekwa.

Amai Dube vatiwo zvinoshamisa kuti hurumende yave kudzinga vana chiremba basa asi ivo vana chiremba vacho vagara vari vashoma.

Mukuru waana chiremba paMpilo, Dr. Solwayo Ngwenya, vaudza Studio7 kuti pana vana chiremba gumi vadzingwa basa pachipatara ichi kusvika pari zvino, asi vati vange vasina zvakawanda zvekutaura sezvo pange pachiri kuitwa ongororo yekuti vana chiremba vari kuuya kubasa nevasiri kuuya kubasa ndevapi.

Chipatara cheMpilo china vanachiremba mazana maviri nevana.

Munyori mukuru weMpilo Hospital Doctors Association, Dr Mthabisi Bhebhe, vati pari zvino havakwanisi kutaura kuti vachatora danho ripi pamusoro pekudzingwa basa kwevamwe vana chiremba sezvo vange vasati vasangana nevamwe vavo.

Munyori weboka reWomen’s Committee yesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, uye vari nhengo yeMDC, Amai Barbara Tanyanyiwa, vati kana chiri chokwadi kuti kunaana chiremba vakadzingwa uye vari kudzingwa basa chinhu chinoratidza kukundikana kukuru kwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, panyaya yekudzingwa basa kwavana chiremba.

Asi sachigaro we Health Services Board, Dr. Paulinas Sikosana, vakaudza Studio7 nezuro kuti pana vana chiremba makumi manomwe nevanomwe vakadzingwa basa.

Dr. Sikosana vakatiwo komiti inoranga vanokanganisa pabasa iri kuenderera mberi nekunzwa nyaya dzavana chiremba vanosvika mazana mana, vanotadza kumira pamberi pekomiti iyi, vari kubva vadzingwa basa zvachose.

Vakatiwo hurumende ina vanachiremba chiuru chimwe chete nemazana matanhatu vakabayirwa zvitupa nePublic Service Commission.

Vana chiremba vari pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vakatanga kuramwa mabasa musi 3 Gunyana vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wesangano iri, Dr. Tawanda Zvakada, vanoti nhengo dzesangano ravo hadzisi kutya kudzingwa, uye hadzisi kuzodzokera kubasa kudzamara hurumende yawedzera mari dzinotambirwa nemadhokotera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG