Madzimai ari kukurudzirwa kuti aende kuchipatara cheParirenyatwa kuitira kuti vanovhengekwa kana vaine chirwere chegomarara repamuromo wechibereko.
Kuvhenekwa uku kuri kuitwa pasina muripo, uye madzimai anosvika churu chimwe chete achaongororwa gomarara iri pamwe nekurapwa pasina muripo kana vachinge vawanikwa vaine dambudziko iri richiri kungotanga.
Madzimai aya ari kubatsirwa ne Parirenyatwa Group of Hospitals yakabatana nechipatara chekuChina chinonzi Hunan Provincial Maternal and Child Health Hospital.
Madzimai akatanga kunyoresa musi wa10 Ndira uye anofanirwa kunge anyoresa musi wa 27 Ndira usati wapera kuitira kuti vabatsirwe pachena.
Madzimai aya achange achiongororwa nenzira itsva yekuongorora gomarara remuromo wechibereko inonzi Human Papilloma Virus Screening, HPV, kana kuti High Risk Test.
Mukoti mukuru kukirinika yeVIAC paParirenyatwa, Amai Bernardette Mandaza, vati nzira iyi inobata zviratidzo zvegomarara rechibereko zvakanyanya kudarika dzimwe nzira dzanga dziri kushandiswa munyika.
Amai Mandaza vati donzvo ravo nderekubatsira madzimai kuti vakurumidze kutariswa zviratidzo zvegomarara rechibereko kuti varapwe gomarara iri risati radzika midzi.
Amai Mandaza vati aka kanenge kari kekutanga chipatara cheParirenyatwa chichishandisa nzira iyi.
Amai Mandaza vati kusvika pari zvino nzira iyi yange isiko kuzvipatara zvehurumende uye vakati kuzvipatara zvisiri zvehurumende nzira iyi inoda mari iri pakati pemadhora makumi matanhatu kusvika kumadhora makumi manomwe nemanomwe.
Mumwe wemadzimai anga auya kuzonyoresa, Amai Mercy Mondoga, vatenda zvikuru chirongwa chekuongororwa pachena.
Amai Mondoga vati huwandu hwevanhu vavanoziva vari kufa negomarara ndizvo zvapa kuti vatore mukana wechirongwa chekuongororwa pachena kuti vazive kuti vakamira sei.
Mumwe anga achinyoresa kuzoongororwa ndiAmai Bianca Ngulube.
Amai Ngulube vanoti vakashaikirwa naamai vavo nekuda kwegomarara rechibereko nokudaro vauya kuzoongororwa kuitira kuti kana pane zviratidzo zvegomarara varapwe nguva ichipo sezvo vachiziva kuti kuzorapwa gomarara radzika midzi kunoda mari yakawanda zvikuru.
Vati chirongwa chemahara ichi chichabatsira veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo zvekuti havawani mari yekunoongororwa.
Vari kutungamirira chironga ichi, Doctor Ndabaningi Simango, vati chipatara chekuChina ichi chakavabatsira nemuchina wekuongorora vakati kunyange panopera chirongwa ichi, chipatara chiri kusara nemichina yavawana iyi.
Chipatara cheParirenyatwa chambenge chichiongorora gomarara remuromo wechibereko nenzira ye Pap Smear ne VIAC. Vanhukadzi vanoshandisa nzira idzi vanofanirwa kuongororwa panopera makore matatu. Asi nenzira yeHPV iyi madzimai anozoongororwa mushure memakore mashanu.
Chipatara ichi chiri kukurudzirawo kuti madzimai ari pakati pemakore makumi maviri nemashanu nemakumi matanhatu nemashanu vazonyoresa kuongororwa kuti vawane rubatsiro pachine nguva.
Facebook Forum